Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinobvumidza Kurambana Here?

Bhaibheri Rinobvumidza Kurambana Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu rinobvumidza. Asi Jesu akangotaura chikonzero chimwe chete chinobvumira munhu kuti agure muchato, paakati: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve [bonde nomumwe munhu waasina kuroorana naye], akaroora mumwe, iye anoita upombwe.”​—Mateu 19:9.

 Mwari anovenga vanhu vanoita unyengeri kuti varambane. Achatonga vaya vanoita nounyengeri vachisiya vavakaroorana navo, kunyanya kana vachizviita nechinangwa chokuti varoore kana kuroorwa nomumwe.​—Maraki 2:​13-​16; Mako 10:9.