Enda pane zvauri kuda

Ungaita Sei Kuti Uve Pedyo naMwari?

Ungaita Sei Kuti Uve Pedyo naMwari?

Mhinduro yeBhaibheri

 Unogona kuva pedyo naMwari kana ukadzidza nezvake uye ukaita zvinomufadza. Kana ukadaro, ‘achaswedera pedyo newe.’ (Jakobho 4:8) Bhaibheri rinotiudza kuti ‘haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’—Mabasa 17:27.

 Zvaungaita kuti uve pedyo naMwari

 Verenga Bhaibheri

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Magwaro ese akafemerwa naMwari.”—2 Timoti 3:16.

  •  Zvazvinoreva: Mwari ndiye akanyora Bhaibheri. Akaisa pfungwa dzake muvanhu vaakashandisa kunyora Bhaibheri. Achishandisa bhuku iri, anotiudza upenyu hwaanoda kuti tive nahwo. Anotiudzawo nezveunhu hwake, hwakadai serudo, kutonga zvakarurama, uye ngoni.—Eksodho 34:6; Dheuteronomi 32:4.

  •  Zvaunogona kuita: Verenga Bhaibheri zuva rimwe nerimwe. (Joshua 1:8) Fungisisa zvaunenge waverenga, uchizvibvunza kuti: ‘Zvandaverenga izvi zvinondidzidzisei nezvaMwari?’—Pisarema 77:12.

     Semuenzaniso, verenga Jeremiya 29:11, wozvibvunza kuti: ‘Mwari anoda kuti ndive nerugare here kana kuti nditambure? Mwari anongoda zvekutsiva here, kana kuti anoda kuti ndive neramangwana rakanaka?’

 Tarisa zvinhu zvakasikwa

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kunyange zvazvo Mwari asingaoneki, kubvira pakasikwa nyika, vanhu vanogona kumunzwisisa kubva pazvinhu zvakasikwa.’—VaRoma 1:20.

  •  Zvazvinoreva: Zvinhu zvakasikwa zvatinoona zvinoratidza unhu hwaMwari, kungofanana nezvinhu zvakadhirowewa zvinogona kutiudza zvakawanda nezvemunhu akazvidhirowa kana kuti muchina wakagadzirwa nemumwe munhu unogona kutiudza nezvemunhu wacho. Semuenzaniso, kuwanda kwakaita zvinhu zvatinogona kuisa mupfungwa dzedu uye kushanda kwadzinoita kunoratidza uchenjeri hwaMwari uye kana tikafunga simba rinobudiswa nezuva nedzimwe nyeredzi tinobva taona simba rake.—Pisarema 104:24; Isaya 40:26.

  •  Zvaunogona kuita: Wana nguva yekutarisa uye kudzidza zvinhu zvakasikwa. Paunenge uchizviona, zvibvunze kuti, ‘Zvinhu izvi zvinoshamisa kudai zvinondidzidzisei nezvaMwari?’ a Asi hatikwanisi kuziva zvese nezveMusiki wedu kubva pazvinhu zvakasikwa. Ndosaka akatipa Bhaibheri.

 Shandisa zita raMwari

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ndichamudzivirira nekuti anoziva zita rangu. Achandishevedza, uye ndichamupindura.”—Pisarema 91:14, 15.

  •  Zvazvinoreva: Mwari, uyo ane zita rekuti Jehovha anonyatsoda vaya vanoziva zita rake uye vanorishandisa vachiriremekedza. b (Pisarema 83:18; Maraki 3:16) Mwari akaita kuti timuzive paakatiudza zita rake. Anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.”—Isaya 42:8.

  •  Zvaunogona kuita: Shandisa zita raJehovha paunenge uchitaura nezvake.

 Nyengetera kuna Jehovha

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari.”—Pisarema 145:18.

  •  Zvazvinoreva: Jehovha ari pedyo nevaya vanonyengetera kwaari vaine kutenda. Munyengetero chikamu chinokosha pakunamata kwedu uye unoratidza kuti tinoremekedza Mwari.

  •  Zvaunogona kuita: Gara uchinyengetera. (1 VaTesaronika 5:17) Muudze zviri pamwoyo pako uye zvinokunetsa.—Pisarema 62:8. c

 Tenda muna Mwari

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Pasina kutenda hazviiti kunyatsofadza Mwari.”—VaHebheru 11:6.

  •  Zvazvinoreva: Tinofanira kutenda muna Mwari kana tichida kuva pedyo naye. Bhaibheri rinoti kuva nekutenda hakurevi kungobvuma kuti Mwari ariko. Kunorevawo kuvimba naye zvakazara uye kunyatsova nechokwadi chekuti zvaanotiudza zvinoshanda uye kuti achazadzisa zvaakavimbisa. Kana uchida kushamwaridzana nemumwe munhu unofanira kuvimba naye.

  •  Zvaunogona kuita: Kutenda kwechokwadi kunobva pakuva neruzivo. (VaRoma 10:17) Saka dzidza Bhaibheri kuti uve nechokwadi chekuti unogona kuvimba naMwari uye nemazano ake. Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kudzidza newe Bhaibheri. d

 Ita zvinofadza Mwari

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kuda Mwari kunooneka nekuchengeta mirayiro yake.”—1 Johani 5:3.

  •  Zvazvinoreva: Jehovha ari pedyo nevaya vanoratidza kuti vanomuda nekuita zvese zvavanogona kuti vachengete mirayiro yake.

  •  Zvaunogona kuita: Paunenge uchidzidza Bhaibheri, ona kuti ndezvipi zvinofarirwa naMwari uyewo zvaanovenga. Zvibvunze kuti, ‘Zvii zvandinofanira kuchinja kuti ndifadze Musiki wangu?’—1 VaTesaronika 4:1.

 Shandisa mazano aMwari kuti uone kuti anokuda

  •  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.”—Pisarema 34:8.

  •  Zvazvinoreva: Mwari anoda kuti uzvionere wega kunaka kwaakaita. Pauchaona kuti anokuda uye anokutsigira, uchanzwa uchida kuswedera pedyo naye.

  • Zvaunogona kuita: Paunoverenga Bhaibheri, shandisa mazano aMwari arimo uone kubatsirwa kwaunoitwa. (Isaya 48:17, 18) Uyewo, tarisa vanhu vakabatsirwa naMwari kuti vakurire zvinetso zvavaiva nazvo, vavandudze upenyu hwavo nehwemhuri dzavo, uye vawane mufaro wechokwadi. e

  Nhema dzinotaurwa nevanhu nezvekuva pedyo naMwari

 Zvinofungwa nevamwe: Mwari ane simba guru uye anonyanya kukosha zvekuti haangambodi kuva pedyo nesu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Kunyange zvazvo Mwari aine simba guru uye achikosha kupfuura vamwe vanhu vese, anotikoka kuti tiswedere pedyo naye. Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yevarume nevakadzi vakava shamwari dzake dzepedyo.—Mabasa 13:22; Jakobho 2:23.

 Zvinofungwa nevamwe: Hatikwanisi kuziva Mwari nekuti haanzwisisiki.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Zvimwe zvinhu nezvaMwari hazvisi nyore kunzwisisa zvakadai sekuti ane muviri wemweya usingaoneki. Asi tinokwanisa kumuziva. Bhaibheri rinototi tinofanira kumuziva kana tichida kuwana upenyu husingaperi. (Johani 17:3) Rinoshandisa mashoko atinogona kunzwisisa parinotaura nezveMusiki wedu kuti tizive unhu hwake, chinangwa chaakasikira nyika nevanhu, uye mirayiro yake. (Isaya 45:18, 19; 1 Timoti 2:4) Uyewo sezvambotaurwa, Bhaibheri rinotiudzawo zita raMwari. (Pisarema 83:18) Saka tinokwanisa kuziva Mwari uyewo kuswedera pedyo naye.—Jakobho 4:8.

a Kuti uone uchenjeri hwaMwari hunoratidzwa muzvinhu zvaakasika, verenga nyaya dzakanzi “Zvakangoitika Zvega Here?”

b Vakawanda vanobvumirana kuti zita raJehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Mwari paakaita kuti tizive zita rake, aitotiudza kuti: ‘Ndichaita kuti kuda kwangu kuitwe uye chinangwa changu chizadziswe. Ndicharamba ndichizadzisa zvandakavimbisa.’

d Kuti unzwe zvimwe, ona vhidhiyo inonzi Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei?

e Verenga nyaya dzakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu.”