Tsamba Yechipiri kuvaTesaronika 2:1-17

  • Munhu asingateereri mutemo (1-12)

  • Kukurudzirwa kumira vakasimba (13-17)

2  Asi hama, panyaya yekuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu+ uye yekuunganidzwa kwatichaitwa kwaari,+ tinokukumbirai  kuti musatsauswa nyore nyore pakufunga kwenyu kana kuvhundutswa nekutaura kunenge kuchiitwa zvekufemerwa*+ kana neshoko rinoita zvekutaurwa kana netsamba inoita seinobva kwatiri, zvichinzi zuva raJehovha*+ rasvika.  Ngaparege kuva nemunhu anotombokutsausai,* nekuti harisi kuzouya kusvikira kutsauka pakutenda+ kwatanga uye munhu asingateereri mutemo,+ mwanakomana wekuparadzwa,+ ava kunyatsozivikanwa.  Iye anopikisa uye anozvikwidziridza pamusoro pevese vanozviita vanamwari kana chimwe chinhu chinonamatwa, zvekuti anogara mutemberi yaMwari, achizviratidza pachena kuti iye ndimwari.  Makanganwa here kuti pandakanga ndichiinemi, ndaiwanzokuudzai zvinhu izvi?  Iye zvino munoziva kuti chii chiri kumudzora kuti asanyanya kuzviita, kuitira kuti azoratidzwa kana nguva yake yakwana.  Ichokwadi kuti kusateerera mutemo uku kwava kutoitika kwakavanzika,+ asi kuchazobuda pachena kana uya ari kuita kuti zvisanyanya kuenderera asisipo.  Kana zvadaro, munhu asingateereri mutemo achabva abudiswa pachena; achaparadzwa naIshe Jesu nemweya wemuromo wake,+ paacharatidza+ kuvapo kwake.  Asi kuti munhu asingateereri mutemo avepo, Satani+ ndiye anenge achiita mabasa esimba, zviratidzo zvenhema nezvishamiso+ 10  achishandisa nzira dzese dzisina kururama kunyengera+ vaya vari kuparara, kuti varangwe nekuti havana kuratidza kuti vanonyatsoda chokwadi kuti vaponeswe. 11  Ndokusaka Mwari achivarega vachizvifurira kuti vabvume nhema dzacho,+ 12  kuti vese vatongwe nekuti havana kubvuma chokwadi asi vakafadzwa nekusarurama. 13  Asi hama dzinodiwa naJehovha,* tinofanira kugara tichitenda Mwari nekuda kwenyu, nekuti kubvira pakutanga Mwari akakusarudzai+ kuti muponeswe nekukutsvenesai+ nemweya wake uye nekutenda kwenyu muchokwadi. 14  Akakudanirai izvozvo achishandisa mashoko akanaka atinozivisa, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu.+ 15  Saka hama, mirai makasimba+ uye rambai makabata zvamakadzidziswa,+ mungava makazvidzidziswa nemuromo kana kuti netsamba yakabva kwatiri. 16  Zvakare, Ishe wedu Jesu Kristu naMwari Baba vedu, avo vakatida,+ ndokutipa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka+ vachishandisa nyasha dzavo, 17  ngavanyaradze mwoyo yenyu vachikusimbisai pamabasa uye pamashoko ese akanaka.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kutaura kwemweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”
Kana kuti “anotombokunyengerai.”