Joshua 23:1-16

  • Mashoko aJoshua ekuonekana nevatungamiriri veIsraeri (1-16)

    • Hapana mashoko aJehovha akakundikana (14)

23  Mazuva mazhinji pashure pekunge Jehovha apa vaIsraeri zororo+ pavavengi vavo vese vainge vakavapoteredza, Joshua akwegura uye ava nemakore mazhinji,+  Joshua akashevedza vaIsraeri vese,+ vakuru vavo, vakuru vemadzinza avo, vatongi vavo, nevatungamiriri vavo,+ akati kwavari: “Ini ndakwegura; ndava nemakore mazhinji.  Makazvionera mega zvese zvakaitwa kumarudzi ese aya naJehovha Mwari wenyu achiitira imi, nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiye akanga achikurwirai.+  Onai, ndakakupai*+ nyika yemarudzi asara kuti ive nhaka yemadzinza enyu,+ nenyika yemarudzi ese andakaparadza,+ kubva kuJodhani kusvika kuGungwa Guru* riri kumavirira.  Jehovha Mwari wenyu ndiye akaramba achiadzinga pamberi penyu,+ uye akaadzinga* achiitira imi, mukatora nyika yawo ikava yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu.+  “Munofanira kushinga kwazvo kuti muchengete uye muite zvese zvakanyorwa mubhuku reMutemo+ waMozisi nekusambotsauka pauri muchienda kurudyi kana kuruboshwe,+  nekusambodyidzana nemarudzi+ akasara pakati penyu. Hamufaniri kutombotaura mazita avanamwari vawo+ kana kupika nawo, uye hamutombofaniri kuvashumira kana kuvakotamira.+  Asi munofanira kuramba muri pana Jehovha Mwari wenyu,+ sezvamanga muchiita kusvikira nhasi.  Jehovha achadzinga marudzi makuru uye ane simba pamberi penyu,+ nekuti hapana murume akambokwanisa kumira pamberi penyu kusvikira nhasi.+ 10  Murume mumwe chete wenyu achadzingirira vanhu vane chiuru,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu ari kukurwirai,+ sezvaakakuvimbisai.+ 11  Saka garai makachenjerera nguva dzese+ kuburikidza nekuda Jehovha Mwari wenyu.+ 12  “Asi kana mukangotsauka chete, mobatana nevanhu vasara pamarudzi aya+ vachiri pakati penyu, moroorerana+ navo muchishamwaridzana navo, ivo vachishamwaridzana nemi, 13  chokwadi zivai kuti Jehovha Mwari wenyu haazorambi achikudzingirai marudzi aya.+ Marudzi aya achava chiteyeso nemusungo kwamuri uye tyava ine zvinobaya kumisana yenyu+ uye minzwa mumaziso enyu kusvikira maparara panyika iyi yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu. 14  “Inzwai! Ndava pedyo nekufa,* uye munonyatsoziva nemwoyo yenyu yese nemweya* yenyu yese kuti pane zvese zvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu hapana kana shoko rimwe chete rakakundikana. Zvese zvakaitika muchizviona. Hapana kana shoko rimwe chete pavimbiso idzodzo rakakundikana.+ 15  Asi sekuzadziswa kwakaitwa zvinhu zvese zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu kwamuri+, Jehovha achakuunziraiwo matambudziko ese aakataura* uye achakuparadzai panyika iyi yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.+ 16  Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakakurayirai kuti muchengete, uye kana mukaenda kunoshumira vamwe vanamwari movakotamira, Jehovha achakutsamwirai kwazvo,+ uye muchakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “ndakakupai ndichishandisa mujenya.”
Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.
Kana kuti “akaatorera nyika.”
ChiHeb., “Nhasi ndiri kuenda nenzira yepasi rese.”
Kana kuti “shoko rese rakaipa raakataura.”