Mapisarema 45:1-17

  • Muchato wamambo akazodzwa

    • Anotaura mashoko enyasha (2)

    • “Mwari ndiye chigaro chako cheumambo nariini” (6)

    • Mambo anosuwa runako rwemwenga (11)

    • Vanakomana vova semachinda munyika yese (16)

Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Maruva.” Rwiyo rwevanakomana vaKora.+ Maskiri.* Rwiyo rwerudo. 45  Pane chimwe chinhu chakanaka chiri kuita kuti mwoyo wangu ufashaire. Ndinoti: “Rwiyo rwangu rune* chekuita namambo.”+ Rurimi rwangu ngaruve chinyoreso+ chemunyori ane unyanzvi.+   Wakanaka kupfuura vamwe vanakomana vevanhu. Mashoko enyasha anoyerera achibva pamiromo yako.+ Ndokusaka Mwari akakukomborera nekusingaperi.+   Sungira bakatwa+ rako parutivi pako, haiwa iwe ane simba,+Mukukudzwa kwako nekubwinya kwako.+   Uye mukubwinya kwako enda ukunde;*+Tasva bhiza rako uchitsigira chokwadi uye kuzvininipisa nekururama,+Uye ruoko rwako rwerudyi ruchaita* zvinhu zvinoshamisa.   Miseve yako yakapinza inoita kuti marudzi awire pamberi pako;+Inobaya vavengi vamambo nechepamwoyo.+   Mwari ndiye chigaro chako cheumambo nariini nariini;+Tsvimbo yeumambo hwako itsvimbo yekururama.+   Wakada kururama+ uye wakavenga uipi.+ Ndokusaka Mwari, iye Mwari wako, akakuzodza+ nemafuta ekupembera nemufaro+ kupfuura vamwe vako.   Zvipfeko zvako zvese zvinonhuhwirira mura nearosi* nekasiya;Unonakidzwa nezviridzwa zvine tambo uri mumuzinda wamambo wenyanga dzenzou.   Vanasikana vemadzimambo vari pakati pevakadzi vaunokudza. Mambokadzi amira kuruoko rwako rwerudyi, akashongedzwa negoridhe rekuOfiri.+ 10  Inzwa, haiwa iwe mwanasikana, teerera, uye rereka nzeve yako;Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako. 11  Uye mambo achasuwa runako rwako,Nekuti ndiye ishe wako,Saka mukotamire. 12  Mwanasikana weTire achauya nechipo;Vanhu vakapfuma chaizvo vachatsvaga kufarirwa newe. 13  Mukati memuzinda wamambo,* mwanasikana wamambo ari kuyevedza zvinoshamisa;Zvipfeko zvake zvakashongedzwa negoridhe. 14  Achaunzwa kuna mambo akapfeka zvipfeko zvakarukwa zvemhando yepamusoro. Mhandara dziri kumuperekedza dzinopindwa nadzo mukati, pamberi pako. 15  Vachaunzwa nekupembera nemufaro;Vachapinda mumuzinda wamambo. 16  Vanakomana vako vachatora nzvimbo yemadzitateguru ako. Uchavagadza kuti vave machinda munyika yese.+ 17  Ndichaita kuti zita rako rizivikanwe kwezvizvarwa nezvizvarwa.+ Ndokusaka marudzi achakurumbidza nariini nariini.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “Mabasa angu ane.”
Kana kuti “ubudirire.”
ChiHeb., “ruchakudzidzisa.”
Uyu muti unobudisa namo nemafuta zvaishandiswa pakugadzira zvinhu zvinonhuhwirira.
ChiHeb., “Mukati.”