Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chirwere Chemazino—Chingangokubata Here?

Chirwere Chemazino—Chingangokubata Here?

NDICHO chimwe chezvirwere zvomukanwa zvatambudza vanhu pasi rose. Chirwere ichi pachinenge chichitanga ungasaona zviratidzo zvacho. Bhuku rinonzi International Dental Journal rinoti pazvirwere zvomukanwa, chirwere chemazino ndicho “chiri kuita kuti pave nedambudziko rakakura panyaya dzoutano.” Bhuku racho rinowedzera kuti “zvirwere izvi zvinoita kuti vanhu vatadze kudya zvakanaka uye vashaye mufaro pamusana pokurwadziwa.” Kukurukura kwatichaita nezvechirwere ichi chakapararira kuchakubatsira kuti uderedze mikana yokubatwa nacho.

Zvakaita Chirwere Chemazino

Chirwere ichi chine matanho akasiyana-siyana. Danho rokutanga rinonzi gingivitis, rinoonekwa nokuzvimba kwenyama dzakabata mazino. Kubuda ropa kwenyama idzi ndechimwezve chiratidzo. Izvi zvinogona kuitika paunenge uchikwesha mazino, uchianon’ona kana kuti pasina zvawaita. Uyewo kubuda ropa paunenge uchiongororwa nachiremba chinogona kuva chiratidzo chokuti une gingivitis.

Danho rinozotevera rinonzi periodontitis. Kana zvasvika apa, nyama uye mabhonzo zvakabata mazino ako zvinotanga kudyika. Panguva iyi ungasaona zviratidzo, asi paunozozviona zvinenge zvasvika padanho rakaipisisa. Zvimwe zviratidzo zvaungaona pamazino ndeizvi; kuzununguka; kuparadzana; kamweya kanonhuwa kanobuda mumuromo, nezvimwewo.

Chinokonzerwa Nei Uye Chakaipirei?

Pane zvinhu zvakawanda zvinowedzera mikana yokubatwa nechirwere chemazino. Kakawanda kacho tsvina inenge yakaomerera pamazino uye inenge iine utachiona ndiyo inokonzera chirwere ichi. Kana tsvina yacho ikasabviswa, utachiona hwacho hunozokonzera kuti nyama dzakabata mazino dzizvimbe. Kana izvi zvikaramba zvichiitika, nyama dzacho dzinotanga kudyika uye humwe utachiona hwopinda huchidzika pasi pemazino. Kana utachiona uhwu hwangopinda seizvi, nyama nemabhonzo zvakabata mazino zvinowedzera kuparara uye kuzvimba kunobva kwanyanya. Tsvina iya inenge yakaomerera pazino inogona kubva yanyanya kuomarara yopedzisira yava kunzi tartar. Tartar inenge iinewo utachiona uye pamusana pokuomarara kwayo inonetsa kubva. Saka nyama uye mabhonzo zvakabata mazino zvinotanga kudyika.

Pane zvimwe zvinogona kuita kuti ubatwe nechirwere chemazino. Zvimwe zvacho kusakwesha zvakanaka mukanwa, kushandisa mishonga inoita kuti masoja omuviri adzikire kushanda kwawo, utachiona, kunyanya kufunga, chirwere cheshuga chisiri kurapwa, kunyanya kunwa doro, kusvuta uye kuchinja kwemashandiro anoita muviri madzimai paanenge akazvitakura.

Pane mamwe matambudziko aunogona kuva nawo pamusana pechirwere ichi. Unopedzisira wava kurwadziwa mukanwa uye kutadza kutsenga zvokudya uye kunakirwa nazvo nokuti unenge usisina mazino. Paunenge uchitaura mashoko anenge asingachabudi zvakanaka uye unenge usingachataridziki zvakanaka pachiso. Vanoongorora nyaya dzezvirwere zvemazino vanoti kana ukagara uchigeza mukanwa zvichaitawo kuti uve noutano.

Kuongorora Chirwere Ichi Uye Kuchirapa

Ungaziva sei kuti une chirwere chemazino? Unogona kuona zviratidzo zvataurwa munyaya ino. Kana ukazviona, zvingava zvakanaka kuti uende kwachiremba wemazino kuti unoongororwa.

Chirwere chemazino chinorapika here? Kana chikakurumidzirwa chinogona kurapika. Kana chikanonokerwa zvokusvika padanho reperiodontitis, chinenge changosara kuita kuti chisaramba chichipararira chisati chakanganisa mamwe mazino. Vanachiremba vemazino vanoshandisa michina yemhando yepamusoro kuti vabvise tsvina iri pamazino.

Kunyange kana usina mari yokuenda kwachiremba, chinhu chinokosha ndechokuti ugare uchikwesha mazino uye kuzviongorora mukanwa kuti usabatwa nechirwere ichi.