Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVUNZURUDZA | GUILLERMO PEREZ

Chiremba Mukuru Wokuvhiya Anotsanangura Kutenda Kwake

Chiremba Mukuru Wokuvhiya Anotsanangura Kutenda Kwake

Guillermo Perez, chiremba mukuru wevavhiyi pachipatara chinotakura varwere 700 chomuSouth Africa, akaenda pamudyandigere munguva pfupi yadarika. Kwemakore akawanda aiti zvinhu zvipenyu zvakaita zvokushanduka-shanduka kwete kusikwa naMwari. Asi pave paya akazobvuma kuti Mwari ndiye akasika munhu. Vanyori veMukai! vakabvunza chiremba uyu nezvokutenda kwake.

Tiudzei kuti nei maifunga kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka.

Ndakakurira muchechi yeRoma asi ndaisadavira zvakasimba muna Mwari. Somuenzaniso, zvaindiomera kubvuma kuti Mwari anopisa vanhu muhero. Saka mapurofesa ekuyunivhesiti kwandaiva paakandidzidzisa kuti zvinhu hazvina kuita zvokusikwa naMwari asi zvakaita zvokushanduka-shanduka, ndakazvibvuma, ndichifungidzira kuti paiva noumboo hunozvitsigira. Kuchechi kwedu vaibvuma dzidziso yokushanduka-shanduka, asi vaiti zvakakonzerwa naMwari.

Chii chakaita kuti muzofarira Bhaibheri?

Mudzimai wangu Susana, akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha vachibva vamuratidza muBhaibheri kuti Mwari haatambudzi vanhu muhero. * Vakamuratidzawo kuti Mwari anovimbisa kuzoita kuti nyika ive paradhiso. * Takaona kuti zvaidzidziswa izvi ndicho chokwadi! Muna 1989, chimwe Chapupu chinonzi Nick chakatanga kukurukura neni nezveBhaibheri. Pataikurukura nezvemasikirwo akaitwa munhu ndakashamiswa nemashoko akajeka ari pana VaHebheru 3:4 anoti: “Imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.”

Kudzidza kwamakaita nezvomuviri womunhu kwakakubatsirai here kubvuma kuti Mwari ndiye akatisika?

Ehe. Somuenzaniso kuzvigadzirisa kunoita muviri wedu kana wakuvara kunoratidza kuti takasikwa zvinoshamisa. Pane matanho mana anoitwa nomuviri kuti ronda ripore. Matanho acho ose aindiyeuchidza kuti somuvhiyi, basa rangu kwaiva kungozadzisa zvagara zvichiitwa nomuviri zvokuzvigadzirisa panenge pakuvara.

Tiudzeiwo kuti zvii zvinoitika kana takuvara?

Danho rokutanga nderokumisa ropa kuti risaramba richibuda uye izvi zvinoitika mumasekonzi uchangobva kukuvara. Zvinoitika zvacho zvinoshamisa chaizvo uye maitikiro azvo akarongeka. Chimwezve ndechokuti tsinga dziri mumuviri womunhu dzakareba makiromita anokwana 100 000 uye izvi zvinoshamisa mainjiniya nokuti dzinogona kuzvinama panenge pachibvinza kana kuzvigadzirisa panenge pakuvara.

Ko padanho rechipiri chii chinoitika?

Mumaawa mashomanana ropa rinomira kubuda potanga kuvhita uye kupisa. Pane zvinhu zvakawanda zvinoshamisa zvinoitika panzvimbo inenge yazvimba. Chokutanga, tsinga dzinenge dzambovharika dzichiitira kuti ropa rakawanda risarasike dzinotanga kuvhurika. Dzinowedzera kuvhurika kuitira kuti ropa rakawanda riende panenge pakuvara. Izvi zvadaro, mvura dzakazara mapuroteni dzinobva dzaita kuti nzvimbo yose yakuvara izvimbe. Mvura idzi dzinokosha pakurwisa utachiona uye pakubvisa nyama inenge yakuvadzika. Kuti danho rimwe nerimwe riitike panofanira kugadzirwa mamiriyoni akawanda emasero anoita mabasa akasiyana-siyana. Mamwe ematanho aya anongobatsira kuti danho rinotevera riitike.

Ko kana danho rechipiri rapera chii chinozoitika?

Mumazuva mashoma-shoma, muviri wedu unotanga kugadzira zvinhu zvinoita kuti ronda ripore uye uku ndiko kutanga kwedanho rechitatu iro rinozotora mavhiki anenge maviri. Masero anogadzira tutambo paronda anoenda kunzvimbo ine ronda kwaanonotanga kuwanda. Uyewo tutsinga tuduku tunobva twatanga kukura tuchienda paronda kuti tubvise tsvina nezvimwe zvisingadiwi paronda racho, tuchiunzawo zvinhu zvinovaka muviri zvinenge zvichidiwa. Chimwewo zvakare chinoitika kugadzirwa kweimwe mhando yemasero anobatsira kuti ronda rivharike.

Inga pane basa! Zvinotora nguva yakareba sei kuti ronda rinyatsopora?

Danho rokupedzisira nderokuti pakakuvara pacho pave sezvapakanga pakaita pasati pakuvara uye izvi zvinotora mwedzi yakati kuti. Mabhonzo anenge atyoka anotanga kunyatsosimba, uye tutambo tuya twainge turi paronda tunotsiviwa nezvimwe zvakasimba. Zvose zvinoitika kuti ronda ripore zvinoratidza kuti muviri wedu wakagadzirwa zvinoshamisa.

Pane zvakamboitika here zvamungatiudza?

Ndinoshaya romuromo pandinoona kuzvigadzirisa kunoita muviri paunenge wakuvara

Zviripo. Ndinoyeuka ndichirapa mumwe musikana ane makore 16 akanga apinda mutsaona yakaipisisa yemota. Chiropa chake chakanga chachekeka-chekeka uye akanga akuvarira mukati. Dai kari kare dai takamuvhiya kuti tigadzirise chiropa chake kana kutochibvisa. Mazuva ano vanachiremba vava kuziva kuti muviri womunhu unogona kuzvigadzirisa. Chandakangoita chete kurapa utachiona hwaiva hwapinda, kudzosera mvura dzomumuviri dzakanga dzapera, kuita kuti masero ake matsvuku awande uye kuti asanyanye kurwadziwa. Scan yakazotorwa mavhiki mashoma akuvara yakaratidza kuti chiropa chake chakanga chapora! Ndinoshaya romuromo pandinoona kuzvigadzirisa kunoita muviri paunenge wakuvara uye izvi zvinoita kuti ndiwedzere kutenda kuti takasikwa naMwari.

Zvii zvamakafarira paZvapupu zvaJehovha?

Ndakaona kuti ivo vanhu vakasununguka, vane ushamwari, uye nguva dzose pavaindipindura vaishandisa Bhaibheri. Ndakayemurawo ushingi hwavanahwo hwokuudza vamwe zvavanotenda nokuvabatsirawo kudzidza nezvaMwari.

Kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha kune zvakwakakubatsirai pabasa renyu here?

Hongu. Somuenzaniso vanachiremba navanamukoti vanowanzosangana nedambudziko rokusanyatsoona kurwadziwa kwomurwere nemhaka yokugara vachiona varwere mazuva ose. Uyewo, varwere pavairatidza kuti vanoda kutaura neni, ndaibva ndavatsanangurira kuti Musiki anovimbisa kuzobvisa urwere nokutambura * uye kuunzawo nyika iyo panenge pasisina achati, “Ndiri kurwara.” *