Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NDIMWARI AKASIKA HERE?

Mafambiro echiNyamututa

Mafambiro echiNyamututa

CHINYAMUTUTA chinoshandisa ndove kuita zvinhu zvakasiyana-siyana. Chinoidya uye chinokandira mazai imomo. Mimwe mikono yacho inogadzira bhora rakakura nayo rokunopa zvikadzi kuti idiwe. Zvinorwirana ndove nyoro. Pane imwe nguva vanoongorora mararamiro ezvinyamututa vakazviona zviri 16 000 zvichiunganira gomo rendove yenzou uye pakapera maawa maviri ndove yacho pakanga pasisina.

Dzimwe mhando dzezvinyamututa dzinobva pazvinenge zvakaungana nokugadzira bhora rendove yazvinokungurutsa zvonoriviga muvhu rakapfava. Kuti chikurumidze kubva pane zvimwe, chinyamututa chinokungurutsa bhora racho chakarurama kuitira kuti chisazotorerwe nezvimwe zvinyamututa.

Kana huri husiku zvinoona sei kwazviri kuenda?

Funga nezveizvi: Ongororo dzakaitwa dzakaratidza kuti zvinyamututa zvinoshandisa chiedza chezuva kana kuti chomwedzi, uyewo zvinokwanisa kuziva kwazviri kuenda kunyange murima rakati ndoo pakunenge kusina mwedzi. Vanoongorora mararamiro ezvipuka izvi kuSouth Africa vakaona kuti zvinyamututa zvinobatsirwa kuziva kwazviri kuenda nechiedza chinobva mugwara renzou rinonzi Milky Way. Maererano nebhuku rinonzi Current Biology, “pamhuka dzose zvinyamututa ndizvo zvokutanga zvinozivikanwa zvinoshandisa gwara renzou reMilky Way pakufamba kwazvinoita.”

Muongorori anonzi Marcus Byrne, akati, zvinyamututa “zvine unyanzvi hunoshamisa pakufamba uye hazvimbonetseki kunyange kukaita rima rakadii.” Akawedzera kuti: “Vanhu vanogona kutodzidza kwazviri kuti vagadzirise matambudziko okuona.” Somuenzaniso pane michina inogadzirwa kuti itevedzere mashandiro anoita chinyamututa pakutsvaka chinhu chipenyu chinenge chiri muchivako chadhirika.

Unofungei? Kukwanisa kunoita chinyamututa kuziva kwachiri kuenda zvakangoerekana zvaitika here kana kuti chakasikwa naMwari?

Waizviziva here?

Zvinyamututa zvinopa mupfudze kuivhu uye zvinoita kuti risaomarara, zvinoparadzira mbeu dzezvinhu zvinomera uye zvinoita kuti nhunzi dzisawandisa.