Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvepasi Rino

Zvepasi Rino

Southeast Asia

Sangano reWorld Wildlife Fund rakati pakati pa1997 na2011, pakawanikwa marudzi anoshamisa ezvipuka nezvinomera akawanda chaizvo asati amboonekwa, kusanganisira rudzi rwechiva chine maziso matsvuku (Trimeresurus rubeus). Marudzi aya akawanikwa munzvimbo yeGreater Mekong, inobatanidza nyika dzeCambodia, Laos, Myanmar, Thailand, Vietnam, pamwe chete nepurovhenzi yeYunnan iri kuChina. Pazvinhu zvakawanikwa mugore ra2011 chete, 82 zvacho zvaiva zvinomera, 21 madzvinyu, nyoka nezvimwe zvakarerekera ikoko, 13 hove, 5 matatya, uye 5 mhuka.

Europe

Pepanhau reThe Moscow Times rinoti, muEurope yose kutengeswa kwevanhu rava dambudziko rakakura. Vanhu ava vanotengeswa vanonoitiswa chipfambi, mabasa ouranda, uyewo kunyange kuchekereswa. Urombo, kushaya mabasa uye kutarisirwa pasi kwevanhukadzi ndizvo zvimwe zvinhu zvinokonzera kuti vanhu vatorwe vachizotengeswa.

New Zealand

Vanoongorora nezvokuona TV kwevana vari pasi pemakore 19 vanoti, kunyanya kuona TV pamazera aya kunokonzera kuti munhu asazoda zvokutandara nevamwe paanenge ava pazera rokuma20 zvichikwira. Vaongorori ava vanoti zvavakawana pakutsvakurudza uku zvinotsigirana nezvagara zvichitaurwa zvokuti vana havafaniri kuona TV kwemaawa anopfuura maviri pazuva.

Alaska

Inenge misha yose yezvizvarwa zvokuAlaska yakavakwa mumhenderekedzo dzegungwa kana kuti pedyo nenzizi, uye misha 86 pa100 yoga yoga inovhiringwa nemafashamo kana kukurwa kwevhu. Mishumo inoratidza kuti kudziya kunoramba kuchiwedzera kuri kunonotsa kuumbika kwechando mumahombekombe icho chinozodzivirira vagari ava pamadutu emvura.

Pasi Rose

Pasinei nemari dzakawanda dziri kushandiswa pakugadzira magwenya emagetsi asingasvibisi pasi akadai seanoshandisa mhepo uye chiedza chezuva, Maria van der Hoeven, mukuru weInternational Energy Agency anotaura kuti hapana chachinja pakusvibiswa kwepasi redu kana tichienzanisa nezvaiitika makore 20 apfuura panyaya yekugadzirwa kwemagetsi.