Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 25

Jehovha Anokomborera Vaya Vanoregerera Vamwe

Jehovha Anokomborera Vaya Vanoregerera Vamwe

“Sezvo Jehovha akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.”—VAK. 3:13.

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha anovimbisei vatadzi vanopfidza?

 KUNYANGE zvazvo Jehovha ari iye Musiki wedu, Anotipa Mutemo uye Mutongi wedu, ndiyewo Baba vedu vekudenga vane rudo. (Pis. 100:3; Isa. 33:22) Patinomutadzira topfidza zvechokwadi, anokwanisa kutiregerera uye anoda kuita izvozvo. (Pis. 86:5) Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akatipa vimbiso iyi yakazonaka yekuti: “Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri, zvichacheneswa sechando.”—Isa. 1:18.

2. Kuti tive nerugare nevamwe, tinofanira kuitei?

2 Sezvo tisina kukwana, tese tinotaura uye tinoita zvinhu zvinogumbura vamwe. (Jak. 3:2) Asi izvi hazvirevi kuti hatigoni kuva neushamwari hwepedyo navo. Tinogona kuva neushamwari hwepedyo navo kana tikadzidza kuregerera vamwe. (Zvir. 17:9; 19:11; Mat. 18:21, 22) Patinotadzirana pazvinhu zvidiki, Jehovha anoda kuti tiregererane. (VaK. 3:13) Tine chikonzero chakanaka chekuita izvozvo. Jehovha ‘anotikanganwira zvikuru.’—Isa. 55:7.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino tichakurukura kuti tingatevedzera sei Jehovha pakuregerera vamwe. Tinofanira kuudza vakuru zvivi zvakaita sei? Nei Jehovha achida kuti tiregerere vamwe? Uye tinodzidzei pane dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzakatambura zvikuru nemhaka yezvakaipa zvakaitwa nevamwe vanhu?

MUKRISTU PAANOITA CHIVI CHAKAKURA

4. (a) Kana mushumiri waJehovha akaita chivi chakakura, anofanira kuitei? (b) Basa revakuru nderei pavanoonana nemutadzi?

4 Zvivi zvakakura zvinofanira kuziviswa vakuru. Mienzaniso yezvivi zvakadaro inotaurwa pana 1 VaKorinde 6:9, 10. Munhu paanoita chivi chakakura, anenge atyora mutemo waMwari. Kana muKristu akaita chivi chakadaro, anofanira kunyengetera kuna Jehovha Mwari uye anofanira kuudza vakuru vemuungano. (Pis. 32:5; Jak. 5:14) Vakuru vanoita basa rei? Jehovha chete ndiye ane simba rekuregerera zvakakwana uye anoregerera zvivi zvedu achishandisa chibayiro cherudzikinuro. * Asi Jehovha akapa vakuru basa rekuongorora kuti mutadzi anogona kuramba ari muungano here kana kuti kwete, vachishandisa Magwaro. (1 VaK. 5:12) Chimwe chezvinhu zvavanoita, kuedza kutsvaga mhinduro dzemibvunzo inotevera: Munhu wacho akatoita zvekuronga here kuti aite chivi? Akaedza kuvanzira vamwe chivi chacho here? Akaita chivi chacho kwenguva yakareba here? Mubvunzo unonyanya kukosha ndewekuti, pane uchapupu hwekuti anyatsopfidza zvechokwadi here? Pane chinoratidza kuti Jehovha akamuregerera here?—Mab. 3:19.

5. Zvinoitwa nevakuru zvinobatsira sei?

5 Vakuru pavanoonana nemutadzi, chinangwa chavo ndechekuita chisarudzo chinenge chakatoitwa kudenga. (Mat. 18:18) Urongwa uhwu hunobatsira sei ungano? Hunoita kuti pave nechokwadi chekuti vatadzi vasingapfidzi vabviswa muungano, kuitira kuti vasakanganisa makwai aJehovha anokosha. (1 VaK. 5:6, 7, 11-13; Tito 3:10, 11) Hunogonawo kubatsira mutadzi kuti apfidze oregererwa naJehovha. (Ruka 5:32) Vakuru vanonyengeterera munhu anenge apfidza uye vanokumbira Jehovha kuti amubatsire kugadzirisa ushamwari hwake naye.—Jak. 5:15.

6. Kana munhu akadzingwa, zvinenge zvichiri kuita here kuti aregererwe naJehovha? Tsanangura.

6 Ngatitii munhu haapfidzi paanoonana nevakuru. Pakadaro anodzingwa muungano. Kana kuri kuti akatyora mutemo wenyika, vakuru havazomudziviriri kuti asarangwa. Jehovha anobvumira hurumende kuti dzitonge uye dzirange chero ani zvake anotyora mutemo pasinei nekuti apfidza here kana kuti haana. (VaR. 13:4) Asi kana munhu wacho akazopengenuka opfidza zvechokwadi uye otendeuka, Jehovha anoda kumuregerera. (Ruka 15:17-24) Anoda kumuregerera pasinei nekuti zvivi zvake zvainge zvakakura chaizvo.—2 Mak. 33:9, 12, 13; 1 Tim. 1:15.

7. Tinoregerera sei munhu anenge atitadzira?

7 Zvinozorodza chaizvo kuziva kuti hatisi isu tinosarudza kuti Jehovha aregerere mutadzi. Kunyange zvakadaro, pane chimwe chinhu chatinofanira kusarudza. Chii ichocho? Dzimwe nguva mumwe munhu anogona kutitadzira, obva atikumbira ruregerero. Asi pamwe pacho angasakumbira ruregerero. Kunyange zvakadaro, tinogona kusarudza kuregerera munhu wacho pakuti hatizorambi takamutsamwira. Asi chokwadi ndechekuti zvinogona kutora nguva uye zvinoda kushanda nesimba kunyanya kana takarwadziswa zvakanyanya. Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1994 yakati: ‘Paunoregerera mutadzi, hazvirevi kuti unenge uchiti zvaakaita hazvina kuipa. MuKristu anoregerera anosiyira nyaya yacho kuna Jehovha aine chivimbo chekuti achaitonga zvakanaka. Ndiye Mutongi akarurama wezvinhu zvese, uye achatonga zvakarurama panguva yakakodzera.’ Nei Jehovha achitikurudzira kuti tiregerere vamwe tosiyira nyaya yacho mumaoko ake kuti aitonge zvakarurama?

NEI JEHOVHA ACHITIKURUDZIRA KUREGERERA VAMWE?

8. Tinoratidza sei kuti tinoonga tsitsi dzaJehovha?

8 Patinoregerera vamwe tinoratidza kuti tinoonga tsitsi dzaJehovha. Mune mumwe mufananidzo, Jesu akafananidza Jehovha natenzi akadzimira muranda wake chikwereti chakakura chaaisagona kubhadhara. Asi muranda akaregererwa akatadza kunzwira tsitsi muranda ainge akamukwereta mari shoma chaizvo. (Mat. 18:23-35) Jesu aitidzidzisei? Kana tichionga kuti Jehovha akatinzwira tsitsi zvikuru, tichanzwa tichida kuregerera vamwe. (Pis. 103:9) Makore akawanda apfuura, Nharireyomurindi yakazvitaura ichiti: “Pasinei nekuti tinoregerera vamwe vedu kakawanda sei, hazvimbofi zvakaenzana nekuregererwa kwatinoitwa naMwari achishandisa chibayiro chaKristu.”

9. Jehovha anonzwira tsitsi vanhu vakaita sei? (Mateu 6:14, 15)

9 Patinoregerera vamwe, Jehovha anotiregererawo. Jehovha anonzwira tsitsi vaya vanonzwira vamwe tsitsi. (Mat. 5:7; Jak. 2:13) Jesu akajekesa izvozvo paaidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera. (Verenga Mateu 6:14, 15.) Jehovha akanga amboratidza pfungwa iyoyo panyaya ine chekuita nemushumiri wake Jobho. Murume iyeye akatendeka akanga arwadziswa chaizvo nezvakanga zvataurwa nevarume vatatu vanoti, Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari. Jehovha akarayira Jobho kuti avanyengeterere. Jobho paakaita izvozvo, Jehovha akamukomborera.—Job. 42:8-10.

10. Nei kuchengeta chigumbu kuchikuvadza? (VaEfeso 4:31, 32)

10 Kuchengeta chigumbu kunokuvadza. Kutsamwa kwakafanana nemutoro unorema uye Jehovha anoda kuti tiwane rugare runobva pakutura mutoro iwoyo. (Verenga VaEfeso 4:31, 32.) Anotikurudzira kuti ‘tirege kutsamwa tosiya hasha.’ (Pis. 37:8) Tinobatsirwa kana tikatevedzera zano iroro. Kuramba takatsamwa kunogona kukanganisa utano hwedu uye pfungwa dzedu. (Zvir. 14:30) Kana tikaramba takatsamwira mumwe munhu, izvozvo hazvimukanganisi. Zvakangofanana nekuti tanwa muchetura. Unokanganisa isu kwete mumwe munhu. Asi patinoregerera vamwe, tinenge tichizvipa chipo. (Zvir. 11:17) Tinova nerugare uye tinokwanisa kuramba tichishumira Jehovha.

11. Bhaibheri rinotii nezvekutsiva? (VaRoma 12:19-21)

11 Kutsiva ndekwaJehovha. Jehovha haana kutipa mvumo yekuti titsive mumwe munhu paanotitadzira. (Verenga VaRoma 12:19-21.) Nemaonero edu asina kukwana uye ane paanogumira, hatikwanisi kutonga nyaya zvakarurama, sezvinoita Mwari. (VaH. 4:13) Dzimwe nguva manzwiro atinenge tichiita anogona kukanganisa maonero edu, zvotitadzisa kuziva zvekuita. Jehovha akafemera Jakobho kunyora kuti: “Kutsamwa kwemunhu hakuiti kuti pave nekururama kunodiwa naMwari.” (Jak. 1:20) Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achaita zvakarurama uye kuti achava nechokwadi chekuti mutongo wakarurama wapiwa.

Usaramba wakatsamwira mumwe munhu. Siyira nyaya yacho mumaoko aJehovha. Achagadzirisa zvakaipa zvese zvakakonzerwa nechivi (Ona ndima 12)

12. Tingaratidza sei kuti tinovimba nematongero aJehovha akarurama?

12 Kuregerera vamwe kunoratidza kuti tinovimba kuti Jehovha anotonga zvakarurama. Patinosiyira nyaya mumaoko aJehovha, tinoratidza kuti tinovimba kuti Jehovha achagadzirisa zvese zvakaipa zvakakonzerwa nechivi. Munyika yake itsva yaakavimbisa, zvinhu zvinorwadza zvakaitika “hazvizouyi mupfungwa, uyewo hazvizouyi mumwoyo” zvakare. (Isa. 65:17) Asi patinorwadziswa zvakanyanya, zvinonyatsoita here kuti tisaramba takatsamwira mumwe munhu? Ona kuti vamwe vakakwanisa sei kuita izvozvo.

TINOKOMBORERWA PATINOREGERERA VAMWE

13-14. Wadzidzei nezvekuregerera vamwe pane zvakaitika kuna Tony naJosé?

13 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzakasarudza kuregerera vamwe kunyange zvazvo dzakarwadziswa zvikuru nezvavakanga vaita. Dzakawana makomborero api padzakaita izvozvo?

14 Makore akawanda asati adzidza chokwadi, Tony * uyo anogara kuPhilippines akaziva kuti mumwe wevakoma vake akaurayiwa nemumwe murume anonzi José. Panguva iyoyo Tony aida zvekurwa uye aida kutsiva. José akasungirwa mhosva yake ndokuiswa mujeri. José paakazobudiswa mujeri, Tony akapika kuti aizomuvhima omuuraya. Akatotenga pfuti kuti aite izvozvo. Panguva iyoyo, Tony akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Pandaidzidza, ndakaona kuti ndaifanira kuchinja unhu hwangu uye maitiro angu, uye izvi zvaisanganisira kusachengeta chigumbu.” Nekufamba kwenguva Tony akabhabhatidzwa uye akazogadzwa semukuru muungano. Fungidzira kushamisika kwaakaita paakaziva kuti José akanga avawo mushumiri waJehovha akabhabhatidzwa! Pavakaonana vakambundirana uye Tony akaudza José kuti akanga amuregerera. Tony anotaura kuti kuregerera kwaakaita José kwakaita kuti awane mufaro mukuru waasingagoni kutsanangura. Jehovha akakomborera Tony nekuregerera kwaakaita José.

Muenzaniso waPeter naSue unoratidza kuti tinogona kusaramba takatsamwa uye kusachengeta chigumbu (Ona ndima 15-16)

15-16. Wadzidzei nezvekuregerera vamwe kubva pane zvakaitika kuna Peter naSue?

15 Muna 1985, Peter naSue vaiva pamusangano muImba yeUmambo uye vakaerekana vanzwa kuputika kukuru kune simba. Mumwe murume akanga ateya bhomba muImba yeUmambo! Sue akakuvara zvakanyanya zvekuti haachakwanisi kunyatsoona uye kunyatsonzwa. Haachakwanisiwo kunzwa munhuwi wezvinhu. * Peter naSue vaigara vachizvibvunza kuti, ‘Munhu werudzii angaita zvinhu zvakaipa kudaro?’ Papera makore akawanda, munhu ainge ateya bhomba uyo asiri mushumiri waJehovha, akasungwa ndokubva atongerwa kugara mujeri kweupenyu hwese. Pavakabvunzwa kuti vainge varegerera murume uyu here, Peter naSue vakati: “Jehovha akatidzidzisa kuti kuchengeta chigumbu kunogona kukanganisa utano hwedu uye pfungwa dzedu. Izvi zvichangobva kuitika, takakumbira Jehovha kuti atibatsire kuti tisaramba takagumbuka kuitira kuti tirarame upenyu hwedu zvine rugare.”

16 Zvanga zviri nyore here kuti varegerere murume wacho? Pamwe pacho zvinombooma. Vanoenderera mberi vachiti: “Dzimwe nguva Sue paanorwadziwa nekukuvara kwaakaita tinombogumbuka. Asi hatirambi tichifunga nezvenyaya yacho, saka manzwiro iwayo anobva akurumidza kupera. Tinogona kutaura zvichibva pasi pemwoyo wedu kuti kana munhu uyu akateya bhomba akazova hama yedu, tichamugamuchira. Zvakaitika izvi zvakatidzidzisa kuti paunoshandisa zvinodzidziswa neBhaibheri, unonzwa kusununguka. Kutaura chokwadi, zvinodzidziswa neBhaibheri zvakatisunungura munzira dzakawanda kupfuura zvataifungidzira! Tinonyaradzwawo nekuziva kuti Jehovha achagadzirisa zvese zvakakanganisika.”

17. Wadzidzei nezvekuregerera kubva pane zvakaitika kuna Myra?

17 Myra akadzidza chokwadi atoroorwa uye aine vana vaviri vaiva vadiki. Murume wake haana kugamuchira chokwadi. Nekufamba kwenguva, murume wacho akaita upombwe ndokubva asiya mhuri. Myra anoti: “Murume wangu paakandisiya nevana vedu vaviri, ndakava nemanzwiro anowanzoita vakawanda pavanenge vanyengerwa nemunhu wavanoda akadai sekuvhunduka, kusazvibvuma, kushungurudzika, kuzvidemba, kuzvipa mhosva uye kutsamwa.” Kunyange zvazvo wanano yacho yakaguma, achiri kurwadziwa nekunyengerwa kwaakaitwa nemurume wake. Myra anowedzera kuti: “Manzwiro iwayo aiita kuti ndirambe ndichitambura kwemwedzi yakawanda uye ndakaona kuti aikanganisa ushamwari hwangu naJehovha uye nevamwe.” Iye zvino Myra anoti haasisina chigumbu neuya aimbova murume wake. Anovimba kuti rimwe zuva murume uyu achaswedera pedyo naJehovha. Myra ari kukwanisa kuisa pfungwa dzake pane remangwana. Akarera vana vake vaviri ega achivabatsira kuti vave vashumiri vaJehovha. Iye zvino Myra ane mufaro wekushumira Jehovha pamwe chete nevana vake nemhuri dzavo.

JEHOVHA NDIYE MUTONGI AKAKWANA

18. Tinogona kuva nechivimbo chei muna Jehovha uyo ari Mutongi Mukuru kupfuura vamwe vese?

18 Zvinozorodza chaizvo kuziva kuti harisi basa redu kusarudza kuti munhu mumwe nemumwe achatongwa sei. Sezvo Jehovha ari iye Mutongi Mukuru kupfuura vese, ndiye achaita basa iri rinokosha. (VaR. 14:10-12) Tinogona kuva nechivimbo chakakwana chekuti acharamba achitonga maererano nemaonero ake akakwana ezvakarurama nezvisina. (Gen. 18:25; 1 Madz. 8:32) Haazomboiti chero chii zvacho chisina kururama!

19. Matongero aJehovha akakwana achagadzirisei?

19 Takamirira nguva iyo Jehovha achanyatsogadzirisa zvese zvakaipa zvakakonzerwa nekusakwana kwevanhu uye nechivi. Panguva iyoyo marwadzo ese atiinawo panyama nemupfungwa achapera zvachose. (Pis. 72:12-14; Zvak. 21:3, 4) Haazombouyi mupfungwa dzedu zvakare. Patakamirira nguva iyoyo yakazonaka kuti isvike, tinotenda chaizvo kuti Jehovha akaita kuti tikwanise kumutevedzera pakuregerera vamwe.

RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

^ Jehovha anoda chaizvo kuregerera vatadzi vanopfidza. Sezvo tiri vaKristu, tinoda kutevedzera muenzaniso wake patinogumburwa nemumwe munhu. Munyaya ino tichakurukura nezvezvivi zvatinogona kuregerera vamwe uye zvivi zvatinofanira kuudza vakuru. Tichaonawo kuti nei Jehovha achida kuti tiregererane uye makomborero atinowana patinoita izvozvo.

^ Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi,” iri muNharireyomurindi yaApril 15, 1996.

^ Mamwe mazita akachinjwa.

^ Ona Mukai! yaJanuary 8, 1992, mapeji 9-13. Onawo vhidhiyo iri paJW Broadcasting® ine musoro unoti Peter naSue Schulz: Unogona Kutokanganwa Zvinotyisa Zvawakaona.