Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 24

Jehovha Anokanganwira Zvikuru

Jehovha Anokanganwira Zvikuru

“Makanaka uye makagadzirira kukanganwira, haiwa Jehovha; rudo rwenyu rusingachinji kune vese vanodana kwamuri rwakakura.”—PIS. 86:5.

RWIYO 42 Munyengetero Wemushumiri waMwari

ZVICHADZIDZWA *

1. Sezvakanyorwa pana Muparidzi 7:20, Mambo Soromoni akataura chokwadi chipi?

 MAMBO Soromoni akanyora kuti: “Hapana munhu akarurama panyika anongogara achiita zvakanaka asingatadzi.” (Mup. 7:20) Ichocho ichokwadi! Tese tiri vatadzi. (1 Joh. 1:8) Saka tese tinoda kuregererwa naMwari uyewo nevamwe vanhu.

2. Unonzwa sei kana shamwari yako yepedyo ikakuregerera?

2 Zviri pachena kuti unoyeuka pawakambogumbura shamwari yako yepedyo. Waida kugadzirisa nyaya yacho moyanana, saka wakakumbira ruregerero nemwoyo wese. Wakanzwa sei shamwari yako payakakuregerera? Izvozvo zvakaita kuti urerukirwe uye ufare here?

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Tinoda kuti Jehovha ave Shamwari yedu yepedyo, asi dzimwe nguva tinotaura kana kuita zvinhu zvinomugumbura. Asi nei tiine chokwadi chekuti Jehovha anoda kutiregerera? Kuregerera kunoita Jehovha kwakasiyana papi nekuregerera kwatinoita? Uye ndiani anogona kuregererwa naMwari?

JEHOVHA AKAGADZIRIRA KUKANGANWIRA

4. Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha akagadzirira kukanganwira?

4 Shoko raMwari rinotiudza kuti Jehovha akagadzirira kukanganwira. Jehovha paakazviratidza kuna Mozisi paGomo reSinai, akataura achishandisa ngirozi kuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi, anoratidza rudo rusingachinji kuzviuru, anoregerera kukanganisa, kutadza uye chivi.” (Eks. 34:6, 7) Jehovha ndiMwari ane mutsa netsitsi uye akagadzirira kukanganwira vatadzi vanopfidza.—Neh. 9:17; Pis. 86:15.

Jehovha anoziva zvese zvakaita kuti tive zvatiri (Ona ndima 5)

5. Maererano naPisarema 103:13, 14, Jehovha anoitei sezvo achinyatsoziva zvakaita vanhu?

5 Sezvo ari Musiki wedu, Jehovha anoziva zvese nezvedu. Chimbofunga nezvazvo! Anoziva zvese nezvemunhu wese ari pano panyika. (Pis. 139:15-17) Saka anogona kuona zvese zvisina kunaka zvatakaberekwa tiinazvo. Anotozivawo zvinhu zvese zvakaitika muupenyu hwedu izvo zvakaita kuti tive zvatiri. Kunyatsotiziva zvakadaro kunoita kuti Jehovha aite sei? Kunoita kuti atinzwire tsitsi.—Pis. 78:39; verenga Pisarema 103:13, 14.

6. Jehovha akaratidza sei kuti anoda kukanganwira?

6 Jehovha akaratidza kuti anoda kukanganwira. Anonzwisisa kuti zvakaitwa nemunhu wekutanga Adhamu zvakaita kuti tese tive nechivi uye tife. (VaR. 5:12) Hapana zvataigona kuita kuti tizvisunungure kana kuti tisunungure mumwe munhu pachivi nerufu. (Pis. 49:7-9) Asi Mwari wedu ane rudo akatinzwira tsitsi uye ane zvaakaita kuti tisunungurwe. Akaitei? Sezvinoratidzwa pana Johani 3:16, Jehovha akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti atifire. (Mat. 20:28; VaR. 5:19) Jesu akatifira kuti asunungure munhu wese anotenda maari. (VaH. 2:9) Jehovha anofanira kunge akarwadziwa chaizvo achiona Mwanakomana wake waanoda achifa zvinorwadza uye zvinonyadzisa. Jehovha aisazorega Mwanakomana wake achifa, kudai akanga asingadi kutikanganwira.

7. Ndevapi vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vakaregererwa naJehovha?

7 MuBhaibheri mune vanhu vakawanda vakaregererwa naJehovha. (VaEf. 4:32) Ndivanaani vaunofunga nezvavo? Pamwe unofunga nezvaMambo Manase. Murume iyeye ainge akaipa akatadzira Jehovha chaizvo. Ainamata vanamwari venhema uye aikurudzira vamwe vanhu kuti vaitewo izvozvo. Akauraya vana vake, akavapa sezvibayiro kuna vanamwari venhema. Akatosvika pakuisa chidhori mutemberi tsvene yaJehovha. Bhaibheri rinotaura nezvake richiti: “Akaita zvakaipa zvizhinji chaizvo pamberi paJehovha, achimugumbura.” (2 Mak. 33:2-7) Asi Manase paakapfidza zvechokwadi, Jehovha akamuregerera. Mwari akatomuita kuti avezve mambo. (2 Mak. 33:12, 13) Zvimwe wafungawo nezvaMambo Dhavhidhi, uyo akaita zvivi zvakakura achitadzira Jehovha, zvaisanganisira upombwe uye umhondi. Asi Dhavhidhi paakabvuma kuti akanga atadza ndokupfidza nemwoyo wese, Jehovha akamuregerera. (2 Sam. 12:9, 10, 13, 14) Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoda chaizvo kukanganwira. Uye sezvatichaona, kukanganwira kwaanoita kwakasiyana nekunoitwa nevanhu.

KUSIYANA KWAKAITA KUKANGANWIRA KUNOITWA NAJEHOVHA NEKUNOITWA NEVANHU

8. Chii chinoita kuti Jehovha akwanise kuregerera?

8 Jehovha ndiye “Mutongi wenyika yese.” (Gen. 18:25) Mutongi akanaka anofanira kunge achinyatsonzwisisa mutemo. Izvi ndizvo zvakaita Jehovha nekuti kuwedzera pakuva Mutongi wedu, ndiyewo Anotipa Mutemo. (Isa. 33:22) Hapana anopfuura Jehovha pakuziva kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Chii chimwe chinofanira kuitwa nemutongi akanaka? Anofanira kunge achiziva zvinhu zvese zvaanofanira kuziva nezvenyaya yaanenge achiongorora, asati apa mutongo. Saka Jehovha ndiye Mutongi anopfuura vamwe vese nekuti anoziva zvese.

9. Jehovha anenge achizivei paanosarudza kuti oregerera munhu here kana kuti kwete?

9 Kusiyana nevamwe vatongi vese, Jehovha anoziva zvese zvine chekuita nenyaya chero ipi zvayo. (Gen. 18:20, 21; Pis. 90:8) Anoziva zvakawanda kupfuura zvinoonekwa nevanhu kana kuti zvavanonzwa. Anonyatsonzwisisa kuti zvinoitwa nemunhu zvinokonzerwa neunhu hwaakatodza kuvabereki, marererwo aakaitwa, kwaanogara, uyewo manzwiro nemafungiro ake. Jehovha anozivawo zviri mumwoyo. Anonyatsoziva zvinoita kuti munhu aite zvimwe zvinhu. Hapana chinhu chinogona kuvanzirwa Jehovha. (VaH. 4:13) Saka Jehovha paanoregerera munhu, chikonzero chacho ndechekuti anonyatsoziva zvese zvine chekuita nenyaya yacho.

Jehovha anotonga zvakarurama uye haasaruri. Hazviiti kumupa chiokomuhomwe (Ona ndima 10)

10. Nei tichigona kutaura kuti matongero aJehovha akarurama nguva dzese? (Dheuteronomi 32:4)

10 Matongero aJehovha akarurama nguva dzese. Haatombosaruri zvachose. Kuregerera kwaanoita hakubvi pachimiro chemunhu wacho, upfumi hwake, mukurumbira, kana kuti zvaanokwanisa kuita. (1 Sam. 16:7; Jak. 2:1-4) Hapana munhu anogona kumanikidza Jehovha kuita chimwe chinhu kana kumupa chiokomuhomwe. (2 Mak. 19:7) Zvisarudzo zvake hazvimbofi zvakakanganiswa nezvinhu zvinotadzisa vanhu kutonga zvakanaka. (Eks. 34:7) Jehovha ndiye Mutongi anopfuura vamwe vese nekuti anonyatsonzwisisa zvese zvine chekuita nesu.—Verenga Dheuteronomi 32:4.

11. Kukanganwira kunoita Jehovha kwakasiyana papi nekunoitwa nevanhu?

11 Vanyori veMagwaro echiHebheru vaiziva kuti kukanganwira kunoita Jehovha kwakasiyana nekunoitwa nevanhu. Dzimwe nguva vaishandisa shoko rechiHebheru rakataurwa nerimwe bhuku kuti “raingoshandiswa pakutsanangura kukanganwira kunoita Mwari vatadzi. Hazvitomboiti kuti shoko iroro rishandiswe pakuregerera kunoitwa nemumwe munhu kana achinge atadzirwa nemumwe.” Jehovha chete ndiye ane simba rekuregerera zvakakwana mutadzi anenge apfidza. Patinoregererwa naJehovha zvinoguma nei?

12-13. (a) Munhu anowana makomborero api paanoregererwa naJehovha? (b) Makomborero atinowana patinoregererwa naJehovha anogara kwenguva yakareba sei?

12 Patinobvuma kuti Jehovha akatiregerera, tinova ‘munguva yekuzorodzwa,’ tinogadzikana mupfungwa, uye tinova nehana yakachena. Kuregererwa kwakadaro hakubvi kune vanhu asi kunofanira kubva kuna “Jehovha pachake.” (Mab. 3:19) Jehovha paanotiregerera anoita kuti tivezve neushamwari hwakanaka naye, zvoita sekuti hatina kumbobvira taita chivi.

13 Kana Jehovha angotiregerera, haazombotipi mhosva yechivi chacho kana kutirangira chivi chacho zvakare. (Isa. 43:25; Jer. 31:34) Jehovha anoisa zvivi zvedu kure nesu “sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira.” * (Pis. 103:12) Patinofunga nezvekukura kwakaita kukanganwira kwaJehovha, zvinoita kuti timuonge chaizvo uye timutye. (Pis. 130:4) Asi ndiani anogona kuregererwa naJehovha?

NDIANI ANOREGERERWA NAJEHOVHA?

14. Kusvika pari zvino tadzidzei nezvekusarudza kunoita Jehovha kuregerera munhu kana kusamuregerera?

14 Sezvataona, Jehovha haasarudzi kuregerera munhu zvichibva pakuti munhu wacho akaita chivi chakakura here kana kuti chidiki. Uyewo tadzidza kuti Jehovha anoshandisa ruzivo rwake seMusiki wedu, Anopa Mutemo uyewo seMutongi wedu paanenge achisarudza kuti oregerera munhu here kana kuti kwete. Jehovha anofunga nezvei asati asarudza kuregerera munhu kana kusamuregerera?

15. Maererano naRuka 12:47, 48, ndechipi chimwe chinhu chinotariswa naJehovha?

15 Chimwe chinhu chinofungwa naJehovha ndechekuti mutadzi wacho aiziva here kuti zvaaiita hazvina kunaka. Jesu akajekesa izvi sezvakanyorwa pana Ruka 12:47, 48. (Verenga.) Munhu anoita zvekuronga kuita chimwe chinhu chakaipa achinyatsoziva hake kuti zvaari kuita zvinogumbura Jehovha, anenge achiita chivi chakakura. Jehovha anogona kusarudza kusaregerera munhu akadaro. (Mako 3:29; Joh. 9:41) Asi tinofanira kubvuma kuti dzimwe nguva tinoita zvinhu zvatinoziva kuti hazvina kunaka. Pakadaro, pane tariro here yekuregererwa? Ehe, iripo! Izvi zvinobva zvatisvitsa pane zvimwezve zvinotariswa naJehovha.

Tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatikanganwira patinopfidza zvechokwadi (Ona ndima 16-17)

16. Kupfidza kuita sei uye nei tichifanira kupfidza kana tichida kuti Jehovha atikanganwire?

16 Chimwe chinhu chinotariswa naJehovha ndechekuti mutadzi wacho apfidza zvechokwadi here. Kupfidza kuita sei? Munhu anenge apfidza anenge “achinja mafungiro ake, maitiro ake uye chinangwa chake.” Kupfidza kunosanganisira kuzvidemba kunoita munhu uye kusuruvara zvikuru zvichikonzerwa nezvinhu zvakaipa zvaakaita kana kuti zvichikonzerwa nekusaita zvinhu zvakarurama zvaaifanira kunge akaita. Munhu anenge apfidza anorwadziwa nezvakaipa zvaakaita uyewo anorwadziwa nekusava neushamwari hwakanaka naJehovha uko kwakaita kuti aite zvinhu izvozvo. Yeuka kuti Mambo Manase naMambo Dhavhidhi vakaita zvivi zvakakura, asi Jehovha akavakanganwira nekuti vakanga vapfidza zvechokwadi. (1 Madz. 14:8) Saka Jehovha anongotikanganwira chete kana aona kuti tapfidza. Asi hatifaniri kungogumira pakuzvidemba nezvivi zvatakaita. Tinofanira kunge takagadzirira kuita chimwe chinhu. * Izvi zvinobva zvatisvitsa pane chimwezve chinhu chinotariswa naJehovha.

17. Kutendeuka kuita sei, uye nei kuchikosha kana tisingadi kudzokorora zvivi zvataimboita? (Isaya 55:7)

17 Kutendeuka ndechimwe chinhu chinokosha chinotariswa naJehovha. Munhu anofanira kuchinja mararamiro ake akaipa otanga kurarama nenzira inodiwa naJehovha. (Verenga Isaya 55:7.) Munhu wacho anofanira kuchinja mafungiro ake kuitira kuti atungamirirwe nemafungiro aJehovha. (VaR. 12:2; VaEf. 4:23) Anofanira kuva nechido chekusiya mafungiro ake nemaitiro ake akaipa. (VaK. 3:7-10) Kutenda kwatinoita muchibayiro chaKristu ndiko kunoita kuti Jehovha atikanganwire uye atichenese pazvivi zvedu. Jehovha achatikanganwira zvichibva pachibayiro ichocho paanoona kuti tiri kuedza nemwoyo wese kuchinja maitiro edu.—1 Joh. 1:7.

IVA NECHIVIMBO CHEKUTI JEHOVHA ACHAKUREGERERA

18. Takurukurei nezvekukanganwira kunoita Jehovha?

18 Ngatimbodzokororai muchidimbu zvinhu zvinokosha zvatakurukura. Jehovha ndiye anokanganwira kupfuura chero ani zvake. Nei tichidaro? Chikonzero chekutanga ndechekuti akagadzirira kukanganwira. Chechipiri ndechekuti anonyatsotiziva. Anonyatsoziva zvese zvine chekuita nesu uye ndiye anonyatsoziva kuti tapfidza zvechokwadi here kana kuti kwete. Jehovha paanotiregerera anobva adzima chivi chacho zvoita sekuti hatina kumbobvira tatadza. Izvi zvinoita kuti tikwanise kuva nehana yakachena uye tifarirwe naye.

19. Kunyange zvazvo tiine chivi uye tichiramba tichitadza, nei tichigona kuva nemufaro?

19 Chero bedzi tiine chivi, ticharamba tichitadza. Asi tinogona kunyaradzwa nemashoko ari muInsight on the Scriptures, Volume 2, peji 771 ayo anoti: “Jehovha ane ngoni uye anoziva kuti vashumiri vake havana simba, saka havafaniri kugara vachinetseka nekukanganisa kwavanoita kunokonzerwa nechivi chavanoberekwa vainacho. (Pis 103:8-14; 130:3) Kana vakaita zvese zvavanogona kuti vararame maererano nezvinodiwa naMwari, vanova nemufaro. (VaF 4:4-6; 1Jo 3:19-22).” Izvi zvinokurudzira chaizvo!

20. Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Tinotenda kuti Jehovha akagadzirira kutikanganwira patinopfidza zvivi zvatakaita. Asi tingatevedzera sei Jehovha panyaya yekuregerera vamwe? Kuregerera kwatinoita kwakafanana papi nekwaJehovha asi kwakasiyana papi? Nei kunzwisisa musiyano iwoyo kuchikosha? Munyaya inotevera tichapindura mibvunzo iyoyo.

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

^ MuShoko rake, Jehovha anotivimbisa kuti anoda kuregerera vatadzi vanenge vapfidza. Asi dzimwe nguva tinganzwa sekuti hatina kukodzera kuregererwa naye. Munyaya ino tichakurukura kuti nei tingava nechokwadi chekuti Mwari wedu akagadzirira kutikanganwira kana tichinge tapfidza zvivi zvatakaita.

^ KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: “Kupfidza zvivi” zvinoreva kuchinja pfungwa zvichibva pakuti munhu anenge azvidemba pamusoro pemararamiro ake, zviito zvake zvakaipa kana kuti zvaatadza kuita. Kupfidza zvivi kwechokwadi kunoita kuti munhu achinje zvaanga achiita.