Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 27

“Tarisira Kuna Jehovha”

“Tarisira Kuna Jehovha”

“Tarisira kuna Jehovha; shinga uye mwoyo wako ngausimbe.”—PIS. 27:14.

RWIYO 128 Kutsungirira Kusvika Kumugumo

ZVICHADZIDZWA *

1. (a) Itariro ipi yatakapiwa naJehovha? (b) Zvinorevei ‘kutarisira kuna Jehovha’? (Ona “Kutsanangurwa Kweshoko.”)

 JEHOVHA akaita kuti vese vanomuda vave netariro yakazonaka. Munguva pfupi iri kuuya achagumisa kurwara, kusuruvara uye rufu. (Zvak. 21:3, 4) Achabatsira “vanyoro” avo vanotarisira kwaari kuti vachinje nyika kuti ive paradhiso. (Pis. 37:9-11) Uye achaita kuti mumwe nemumwe wedu akwanise kuva neushamwari hwakanaka naye uhwo huchange huchipfuura hwatiinahwo iye zvino. Iyoyo itariro yakazonaka! Chii chinoita kuti titende kuti zvinovimbiswa naMwari zvichazadzika? Jehovha anogara achiita zvaakavimbisa. Saka tine chikonzero chakanaka ‘chekutarisira kuna Jehovha.’ * (Pis. 27:14) Tinoratidza izvi nekumirira nemwoyo murefu uye tichifara kuti Mwari wedu azadzise zvaakavimbisa.—Isa. 55:10, 11.

2. Chii chakatoitwa naJehovha?

2 Jehovha akatoratidza kuti anozadzisa zvaakavimbisa. Funga nezvemuenzaniso unotevera. Mubhuku raZvakazarurwa, Jehovha akavimbisa kuti munguva yedu, aizounganidza vanhu vanobva kumarudzi ese, madzinza nendimi, kuti vamunamate vakabatana. Mazuva ano vanhu ava vanozivikanwa ‘seboka guru.’ (Zvak. 7:9, 10) Kunyange zvazvo boka iri riine vanhu vemarudzi akasiyana-siyana, vanotaura mitauro yakasiyana-siyana, uye vanobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana pasi rese, vanoumba mhuri imwe chete ine rugare. (Pis. 133:1; Joh. 10:16) Veboka guru ivavo vanoshingairawo pakuparidza. Vanogara vakagadzirira kuudza chero ani zvake anoda kuteerera nezvetariro yavainayo yekuzogara munyika yakanaka iri kuuya. (Mat. 28:19, 20; Zvak. 14:6, 7; 22:17) Kana uri weboka guru, zviri pachena kuti unokoshesa chaizvo tariro yezvinhu zvakanaka zvichauya.

3. Chinangwa chaSatani ndechei?

3 Dhiyabhorosi anoda kukubira tariro yako. Chinangwa chake ndechekuita kuti ufunge kuti Jehovha haana hanya newe uye kuti haasi kuzozadzisa zvaakavimbisa. Kana Satani akaparadza tariro yedu, ushingi hwedu hunopera uye tingatorega kushumira Jehovha. Sezvatichaona, Dhiyabhorosi akaedza kubira Jobho tariro yake uye kumuita kuti arege kushumira Jehovha.

4. Tichakurukurei munyaya ino? (Jobho 1:9-12)

4 Munyaya ino tichaongorora mazano akashandiswa naSatani achiedza kumanikidza Jobho kuti asaramba akapera kuna Jehovha. (Verenga Jobho 1:9-12.) Tichakurukurawo zvatinogona kudzidza pamuenzaniso waJobho uye kuti nei tichifanira kuyeuka kuti Mwari anotida uye achazadzisa zvaakavimbisa.

SATANI AKAEDZA KUITA KUTI JOBHO ASAVA NETARIRO

5-6. Chii chakaitika kuna Jobho munguva pfupi?

5 Jobho aiva neupenyu hwakanaka chaizvo. Aiva neushamwari hwepedyo naJehovha. Aiva nemhuri yakakura inofara uye aiva nepfuma yakawanda. (Job. 1:1-5) Asi Jobho akarasikirwa nezvinhu zvake zvakawanda zuva rimwe chete. Pakutanga akarasikirwa nepfuma yake. (Job. 1:13-17) Akabva afirwa nevana vake vese. Chimbofunga nezvedambudziko iroro kwekanguva. Vabereki vanorwadziwa chaizvo pavanofirwa nemumwe wevana vavo. Fungidzira kurwadziwa, kushungurudzika uye kupererwa kwakaita Jobho nemudzimai wake pavakaziva kuti vana vavo vese vari 10 vakanga vafa. Ndokusaka Jobho akabvarura nguo yake ndokuwira pasi.—Job. 1:18-20.

6 Satani akabva aita kuti Jobho ave nechirwere chairwadza uye chaimubvisa chimiro. (Job. 2:6-8; 7:5) Izvi zvisati zvaitika, Jobho airemekedzwa chaizvo munzvimbo yaaigara. Vanhu vaiuya kwaari vachitsvaga mazano. (Job. 31:18) Iye zvino vakanga vasisadi kutaura naye. Akarambwa nehama dzake, shamwari dzake dzepedyo, kunyange nevaranda vake.—Job. 19:13, 14, 16.

Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinogona kunzwisisa manzwiro aiita Jobho paaiva mumatambudziko (Ona ndima 7) *

7. (a) Jobho aifunga kuti matambudziko ake aibva kupi, asi akaramba kuitei? (b) MuKristu angasangana nematambudziko api akafanana neari kuratidzwa pamufananidzo?

7 Satani aida kuti Jobho afunge kuti aitambura nekuti akanga asisafarirwi naMwari. Semuenzaniso, Satani akashandisa mhepo yakasimba kuti adhiritse imba yaiva nevana vese 10 vaJobho vachidya pamwe chete. (Job. 1:18, 19) Akaitawo kuti moto ubve kudenga uye uparadze makwai aJobho pamwe chete nevashandi vake vaiafudza. (Job. 1:16) Sezvo mhepo nemoto wacho zvakabva kudenga, Jobho akafunga kuti zvakabva kuna Jehovha Mwari. Izvi zvakaita kuti Jobho afunge kuti akanga agumbura Jehovha. Kunyange zvakadaro, Jobho akaramba kutuka Baba vake vekudenga. Jobho aiziva kuti kwemakore ese aya akanga agamuchira zvinhu zvakanaka kubva kuna Jehovha. Izvi zvakaita kuti afunge kuti kana aifara nekugamuchira zvinhu zvakanaka, aifanirawo kugamuchira zvakaipa. Saka akati: “Zita raJehovha ngarirambe richirumbidzwa.” (Job. 1:20, 21; 2:10) Kunyange zvazvo Jobho akanga arasikirwa neupfumi hwake, vana vake uye utano hwake, akaramba akatendeka kuna Jehovha. Asi Satani akanga asati apedza naye.

8. Nderipi rimwe zano rakabva rashandiswa naSatani pana Jobho?

8 Satani akashandisa rimwezve zano pana Jobho. Akaita kuti varume vatatu vainyepera kuva shamwari dzaJobho vaite kuti Jobho anzwe asingabatsiri. Varume ava vakataura kuti kutambura kwaiita Jobho kwairatidza kuti akanga aine zvinhu zvakawanda zvakaipa zvaakanga aita. (Job. 22:5-9) Vakaedzawo kumuita kuti afunge kuti pasinei nezvinhu zvakawanda zvakanaka zvaaiita, Mwari akanga asina basa nazvo. (Job. 4:18; 22:2, 3; 25:4) Vaiedza kuita kuti Jobho afunge kuti Mwari akanga asingamudi, kuti Mwari akanga asina hanya naye, uye kuti kumushumira hakuna zvakwaibatsira. Mashoko avo aigona kuita kuti Jobho afunge kuti akanga asisina tariro.

9. Chii chakabatsira Jobho kuti ashinge uye asimbe?

9 Fungidzira izvi. Jobho agere mumadota achirwadziwa chaizvo. (Job. 2:8) Shamwari dzake dzenhema dziri kuramba dzichitaura kuti iye munhu akaipa uye kuti hapana chaakaita chinombokosha. Matambudziko ake ari kuita semutoro unorema uye kushungurudzika kwaari kuita nekufirwa nevana kuri kumurwadza chaizvo mumwoyo. Pakutanga, Jobho haana zvaanotaura. (Job. 2:13–3:1) Asi kana varume vari kunyepedzera kuva shamwari dzaJobho vachifunga kuti achasiya Musiki wake, vakarasika. Chiita seuri kuona Jobho achisimudza musoro wake obva anyatsotarisa shamwari dzake dzenhema otaura kuti: “Handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari!” (Job. 27:5) Chii chakabatsira Jobho kuti ashinge uye asimbe zvakadaro pasinei nekutambura kwese kwaaiita? Kunyange paainge akaora mwoyo chaizvo, haana kumbobvira arasa tariro yekuti Mwari wake ane rudo aizomubatsira. Aiziva kuti kunyange kana akafa, Jehovha aizomumutsa.—Job. 14:13-15.

TINGATEVEDZERA SEI JOBHO?

10. Nyaya yaJobho inotidzidzisei?

10 Nyaya yaJobho inotidzidzisa kuti Satani haagoni kutimanikidza kuti tisiye Jehovha uye kuti Jehovha anoziva zvese zvinenge zvichiitika kwatiri. Zvakaitika kuna Jobho zvinogonawo kutibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa nyaya dzinobatanidzwa. Ona zvimwe zvatinogona kudzidza pana Jobho.

11. Kana tikaramba tichivimba naJehovha, tinogona kuva nechokwadi chei? (Jakobho 4:7)

11 Jobho akaratidza kuti kana tikaramba tichivimba naJehovha tinogona kutsungirira chero dambudziko uye kubudirira pakurwisa Satani. Izvozvo zvinoguma nei? Bhaibheri rinotiudza kuti Dhiyabhorosi achatitiza.—Verenga Jakobho 4:7.

12. Jobho akasimbiswa sei netariro yerumuko?

12 Tinofanira kuva nekutenda kwakasimba mutariro yerumuko. Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, Satani anowanzoshandisa kutya kufa achiedza kutiita kuti tisaramba takaperera kuna Jehovha. Panyaya yaJobho, Satani akati Jobho aizoita chero zvaanogona, kunyange kurega kushumira Jehovha, kuti achengetedze upenyu hwake. Satani ainge akarasika. Jobho akaramba akaperera kuna Jehovha kunyange paaifunga kuti akanga ava kufa. Kuvimba kwaaiita nekunaka kwaJehovha uye tariro yakasimba yekuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu, zvakamubatsira kuti atsungirire. Jobho aitenda kuti kana Jehovha akasamubatsira achiri mupenyu, aizomumutsa mune ramangwana. Jobho aiva nechokwadi chekuti vakafa vachamutswa. Kana tariro iyoyo iri yechokwadi kwatiri, ticharamba takaperera kuna Jehovha kunyange patinenge tatarisana nerufu.

13. Tinodzidzei pane zvakaitwa naSatani kuna Jobho?

13 Tinofanira kunyatsongwarira mazano akashandiswa pana Jobho nekuti Satani anogona kuashandisawo patiri. Satani akati: “Munhu [kwete Jobho chete] achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake.” (Job. 2:4, 5) Zvairehwa naSatani ndezvekuti hatidi Jehovha Mwari nemwoyo wese uye kuti tinomusiya kana izvozvo zvichizoita kuti tichengetedze upenyu hwedu. Satani anotiwo Mwari haatidi uye kuti haana basa nezvatinoedza kuita kuti timufadze. Sezvo tichiziva zviri kuedza kuitwa naSatani, isu vanotarisira kuna Jehovha, hatinyengedzwi nemazano aSatani.

14. Matambudziko atinosangana nawo anotibatsira kuzivei nezvedu? Taura muenzaniso.

14 Tinofanira kuona matambudziko semukana wekuziva kuti tiri vanhu vakaita sei. Matambudziko akasangana naJobho akamubatsira kuziva zvinhu zvisina kunaka paari uye kuti azvigadzirise. Semuenzaniso, akadzidza kuti aifanira kuwedzera kuzvininipisa. (Job. 42:3) Isuwo tinogona kuziva kuti tiri vanhu vakaita sei patinenge tiri mumatambudziko. Imwe hama inonzi Nikolay, * iyo yakaiswa mujeri pasinei nekuti yaiva nematambudziko akakura eutano inoti: “Jeri rakaita semuchina weX-ray. Rinoita kuti muKristu azive unhu hwake.” Kana tangoziva zvinhu zvisina kunaka patiri, tinogona kutanga kuzvigadzirisa.

15. Ndiani watinofanira kuteerera uye nei zvakadaro?

15 Tinofanira kuteerera Jehovha kwete vavengi vedu. Jobho akanyatsoteerera Jehovha paaitaura naye. Mwari akabatsira Jobho kufunga, zvichiita sekuti aiti kwaari: ‘Unoona simba rangu rekusika here? Ndinoziva zvese zvakaitika kwauri. Unofunga kuti handikwanisi kukuchengeta here?’ Jobho akapindura achizvininipisa uye achiratidza kuti aionga chaizvo kunaka kwaJehovha. Akati: “Ndaingoita zvekunzwa nezvenyu, asi iye zvino ndava kukuonai nemaziso angu.” (Job. 42:5) Kunenge kuti Jobho paakataura mashoko iwayo ainge achakagara mumadota, muviri wake wakazara maronda uye achiri kurwadziwa nekufa kwevana vake. Kunyange zvakadaro, Jehovha akaita kuti Jobho azive kuti aimuda uye akaita kuti ave nechokwadi chekuti aimufarira.—Job. 42:7, 8.

16. Maererano naIsaya 49:15, 16, tinofanira kuyeukei patinosangana nematambudziko?

16 Mazuva anowo, vanhu vangatitsvinyira kana kutibata sevanhu vasingabatsiri. Vangaedza kukanganisa zita redu rakanaka semunhu mumwe chete kana kuti sesangano uye ‘kutipomera zvinhu zvakaipa zvakasiyana-siyana.’ (Mat. 5:11) Nyaya yaJobho inotidzidzisa kuti Jehovha ane chokwadi chekuti ticharamba takavimbika kwaari patinotarisana nematambudziko. Jehovha anotida uye haazombosiyi vaya vanotarisira kwaari. (Verenga Isaya 49:15, 16.) Usamboteerera chero zvinotaurwa nevavengi vaMwari nechinangwa chekusvibisa zita redu! James, hama yekuTurkey, uyo akasangana nematambudziko akakura pamwe chete nemhuri yake, anoti: “Takaona kuti kuteerera nhema dzinotaurwa nezvevanhu vaMwari kunotiodza mwoyo. Saka takaramba tichifunga nezvetariro yeUmambo uye takaramba tichiita basa raJehovha. Izvi zvakaita kuti tirambe tichifara.” Tinoteerera Jehovha sezvakaita Jobho! Nhema dzinotaurwa nevavengi vedu hadzidzimi tariro yedu.

TARIRO YAKO ICHAKUSIMBISA

Jobho akakomborerwa nekuti akaramba akaperera kuna Jehovha. Iye nemudzimai wake vakararama kwenguva refu vachifara (Ona ndima 17) *

17. Unodzidzei pamuenzaniso wevarume nevakadzi vakatendeka vanotaurwa muna VaHebheru chitsauko 11?

17 Jobho anongova mumwe wevashumiri vaJehovha vakaramba vakashinga uye vakasimba pavaiva mumatambudziko akakura. Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, muapostora Pauro anotaura nezvevamwe vavo vakawanda achivati “gore guru rezvapupu.” (VaH. 12:1) Vese vakasangana nematambudziko akakura asi vakaramba vakatendeka kuna Jehovha. (VaH. 11:36-40) Kutsungirira kwavo uye kushumira kwavakaita Mwari kwaiva kushandira pasina here? Aiwa! Kunyange zvazvo panguva yavakararama vasina kumboona kuzadzika kwezvese zvainge zvavimbiswa naMwari, vakaramba vachitarisira kuna Jehovha. Uye sezvo vaiva nechokwadi chekuti vaifarirwa naJehovha, vaiva nechivimbo chekuti vaizoona zvaakavimbisa zvichizadzika. (VaH. 11:4, 5) Muenzaniso wavo unotikurudzira kuti tirambe tichitarisira kuna Jehovha.

18. Chii chaunoda kuramba uchiita? (VaHebheru 11:6)

18 Tiri kurarama munyika iri kubva pakuipa ichienda pakuipisisa. (2 Tim. 3:13) Satani achiri kuedza vanhu vaMwari. Pasinei nematambudziko ari mberi, ngatirambei tichishandira Jehovha nesimba tiine chivimbo chekuti “takaisa tariro yedu pana Mwari mupenyu.” (1 Tim. 4:10) Yeuka kuti zvakaitirwa Jobho naMwari zvinoratidza “kuti Jehovha ane tsitsi huru uye ane ngoni.” (Jak. 5:11) Dai tikarambawo takavimbika kuna Jehovha tiine chokwadi chekuti achapa “mubayiro vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.”—Verenga VaHebheru 11:6.

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

^ Tinowanzofunga nezvaJobho patinofunga nezvemunhu akatsungirira matambudziko akanyanya. Tinodzidzei pane zvakaitika kumurume iyeye akatendeka? Tinodzidza kuti Satani haagoni kutimanikidza kuti tisiye Jehovha. Tinodzidzawo kuti Jehovha anoziva zvese zvinoitika kwatiri. Uye Jehovha achaita kuti kutambura kwedu kugume sekugumisa kwaakaita matambudziko aJobho. Kana tikaratidza nezvatinoita kuti tine chokwadi chakazara nezvinhu izvi, tinenge tiri pakati pevaya ‘vanotarisira kuna Jehovha’ zvechokwadi.

^ KUTSANANGURWA KWESHOKO: Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘kutarisira’ rinoreva ‘kumirira’ chimwe chinhu chaunenge uchida chaizvo. Rinogonawo kupa pfungwa yekuvimba nemumwe munhu.—Pis. 25:2, 3; 62:5.

^ Mamwe mazita akachinjwa.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jobho nemudzimai wake vanosangana nedambudziko rakakura rekufirwa nevana vavo.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jobho akatsungirira kusvikira pakaperera matambudziko ake. Iye nemudzimai wake vanofungisisa nezvekukomborerwa kwavakaitwa naJehovha pamwe chete nemhuri yavo.