Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaunoita Ngazvitungamirirwe ‘Nemutemo Wemutsa’

Zvaunoita Ngazvitungamirirwe ‘Nemutemo Wemutsa’

“MUTSA wakaratidzwa nehama nehanzvadzi dzechiKristu ndiwo wakanyanya kundibaya mwoyo,” akadaro Lisa. * Aitaura zvakaita kuti atange kufarira chokwadi. Izvi ndizvo zvakaitikawo kuna Anne, uyo akati, “Mutsa wandakaratidzwa neZvapupu ndiwo wakaita kuti ndinyanye kufarira chokwadi kupfuura zvavaidzidzisa.” Iye zvino hanzvadzi mbiri idzi dzinonakidzwa nekuverenga Bhaibheri uye kufungisisa nezvaro, asi mutsa ndiwo wakanyanya kudzibaya mwoyo.

Tingaratidza sei vamwe mutsa zvekuti vanobayiwa mwoyo? Ngatikurukurei kuti tingazviita sei nezvatinotaura uye nezvatinoita. Uye tichabva taona kuti ndivanaani vatingaratidza mutsa.

“MUTEMO WEMUTSA” NGAUVE PARURIMI RWAKO

Mudzimai anoita zvakanaka anotaurwa muna Zvirevo chitsauko 31 ane “mutemo wemutsa” parurimi rwake. (Zvir. 31:26) Anoita kuti zvaanotaura uye matauriro aanozviita zvitungamirirwe ‘nemutemo’ uyu. Vanababa vanofanirawo kuva ‘nemutemo’ uyu parurimi rwavo. Vabereki vakawanda vanoziva kuti kutaura vachipopota kunogona kukanganisa vana vavo. Kana vabereki vachitaura nevana vavo nehasha, kashoma kuti vana vacho vateerere. Asi kana vachitaura navo nemutsa, zvichava nyore kuti vateerere.

Pasinei nekuti uri mubereki kana kuti hausi, ungaitei kuti udzidze kutaura nevamwe zvakanaka? Tinoona zvatinogona kuita muchikamu chekutanga chaZvirevo 31:26 chinoti: “Anotaura neuchenjeri.” Izvi zvinosanganisira kusarudza nekuchenjera mashoko edu uye matauriro atichaaita. Zvinowanzobatsira chaizvo kana tikazvibvunza kuti, ‘Zvandava kuda kutaura zvichaita kuti vamwe vagumbuke here, kana kuti zvichaita kuti pave nerugare?’ (Zvir. 15:1) Kunenge kuri kuchenjera chaiko kuti titange tafunga tisati tataura.

Chimwe chirevo chinoti: “Mashoko anotaurwa asina kufungwa anobaya sebakatwa.” (Zvir. 12:18) Patinofunga nezvekuti mashoko edu uye matauriro atinoaita angaita kuti vamwe vanzwe sei, zvingaita kuti tide kudzora rurimi rwedu. Patinotaura maererano ‘nemutemo wemutsa,’ hatizotauri mashoko anorwadza kana kutaura nenzira yakaipa. (VaEf. 4:31, 32) Ticharega kufunga uye kutaura zvinhu zvakashata tozvitsiva nemashoko emutsa, uye nematauriro anovaka, akanaka. Jehovha akaratidza muenzaniso panyaya iyi paaikurudzira mushumiri wake Eriya uyo aitya. Ngirozi yaimiririra Jehovha yakataura ‘nenzwi rakadzikama, raiva pasi pasi.’ (1 Madz. 19:12) Asi kuva nemutsa hakungogumiri pakutaura nemutsa. Tinofanirawo kuita mabasa emutsa. Tingazviita sei?

MABASA EMUTSA ANOKURUDZIRA VAMWE

Tinotevedzera Jehovha nekutaura nevamwe zvakanaka uye nekuita zvinhu zvinoratidza kuti tine mutsa. (VaEf. 4:32; 5:1, 2) Lisa ambotaurwa nezvake anotsanangura mutsa wakaratidzwa neZvapupu. Anoti: “Patakangoerekana tanzi tibve pamba pataigara, dzimwe mhuri mbiri dzemuungano dzakatora ofu kubasa, dzikauya kuzotibatsira kurongedza. Panguva iyoyo ndakanga ndisingatombodzidzi Bhaibheri.” Zvakaitwa nemhuri mbiri idzi zvakaita kuti Lisa ade kunyatsoongorora chokwadi.

Anne ataurwa patangira nyaya ino anoongawo mutsa waakaratidzwa neZvapupu. Akati: “Nemhaka yezvakaita nyika, ndakatanga kusava nechokwadi nezvinhu zvakawanda. Zvaindiomera kuti ndivimbe nevanhu.” Anowedzera kuti: “Pandakaonana neZvapupu, handina kuvimba nazvo. Ndakava nemubvunzo wekuti, ‘Vari kumbonyanya kudei pandiri?’ Asi mutsa wakaratidzwa nemudzidzisi wangu weBhaibheri wakaita kuti ndivimbe naye.” Zvakaguma nei? “Ndakazotanga kufungisisa zvandaidzidza.”

Ona kuti Lisa naAnne vakabayiwa mwoyo nezvavakaitirwa nevanhu vemuungano, uye izvozvo zvakaita kuti vazoda kudzidza chokwadi. Mutsa wavakaratidzwa neungano wakaita kuti vatange kuvimba naJehovha nevanhu vake.

TEVEDZERA MWARI PAKURATIDZA VAMWE MUTSA

Vamwe vanhu havambonetseki nekutaura zvakanaka uye kunyemwerera nekuti ndizvo zvavanoita mutsika dzavo. Zvavanoita izvozvo zvakanaka chaizvo. Asi kana tichingoita izvi nemhaka yetsika dzedu kana kuti unhu hwedu, tinenge tisiri kutevedzera Mwari pakuratidza mutsa.—Enzanisa naMabasa 28:2.

Mutsa ndechimwe chezvibereko zvemweya mutsvene waMwari. (VaG. 5:22, 23) Saka izvi zvinoreva kuti tinoda mweya mutsvene waMwari kuti utibatsire kuratidza mutsa. Kuita izvozvo kunoenderana nechido chedu chekutevedzera Jehovha naJesu. Uye sezvo tiri vaKristu, tine hanya nevamwe. Saka tinoita izvi nekuti tinoda Jehovha Mwari uye tinoda muvakidzani wedu. Kuratidza kwatinoita vamwe mutsa kunenge kwava kubva pasi pemwoyo wedu uye kuchifarirwa naMwari.

NDIVANAANI VATINOFANIRA KURATIDZA MUTSA?

Zvingava nyore kuratidza mutsa kune vaya vakambotiratidzawo mutsa kana kuti vaya vatinoziva. (2 Sam. 2:6) Imwe nzira ndeyekuvatenda. (VaK. 3:15) Asi ko kana tichinzwa sekuti mumwe munhu haakodzeri kuratidzwa mutsa?

Funga izvi: Jehovha ndiye muenzaniso mukuru pakuratidza mutsa kuvanhu vanenge vasina kukodzera kuuratidzwa, uye Shoko rake rinotidzidzisa chidzidzo chinokosha panyaya yekuratidza mutsa. Mashoko anotaura nezvemutsa kana kuti nyasha anoshandiswa kakawanda muMagwaro echiKristu echiGiriki. Mwari anotiratidza sei mutsa?

Kubvira kare, Jehovha airatidza mutsa vanhu vese nekuvapa zvavanoda kuti varambe vachirarama. (Mat. 5:45) Kunyange patainge tisati tava kuziva Jehovha, akatinzwira nyasha. (VaEf. 2:4, 5, 8) Semuenzaniso, akapa vanhu vese Mwanakomana wake mumwe chete anodiwa. Muapostora Pauro akanyora kuti Jehovha akapa rudzikinuro “maererano nekuwanda kwenyasha” dzake. (VaEf. 1:7) Uyewo kunyange zvazvo tichitadza uye tichirwadzisa Jehovha, anoramba achititungamirira uye achitidzidzisa. Mirayiridzo yake nemashoko ake zvakaita “semvura inopfunha.” (Dheut. 32:2) Hatitombokwanisi kumubhadhara zvinoenderana nenyasha dzaanotiratidza. Uye chokwadi chiripo ndechekuti nyasha dzaJehovha ndidzo dzinoita kuti tikwanise kuva netariro yeramangwana.—Enzanisa na1 Petro 1:13.

Hapana mubvunzo kuti mutsa waJehovha unoita kuti timude uye unotikurudzira. Saka pane kuita zvekusarudza vanhu vatinoda kuratidza mutsa, tinofanira kutevedzera Jehovha nekugara tichiratidza vamwe mutsa zuva rega rega. (1 VaT. 5:15) Kana tikagara tichiratidza vamwe mutsa, tinenge taita semoto unodziya pakunenge kuchitonhora. Tinozorodza vemumhuri medu, vatinonamata navo, vatinoshanda navo, vekuchikoro, uye vavakidzani vedu.

Funga nezvevaya vemumhuri menyu kana kuti vemuungano vanogona kubatsirwa nekuti unenge wataura kana kuti wavaitira chimwe chinhu chakanaka. Zvimwe muungano menyu pane munhu anoda kubatsirwa kuita mabasa epamba kana kuenda kunotengerwa zvinhu. Uyewo paunenge uri muushumiri, woona munhu anenge achida kubatsirwa, unogona kumubatsira here?

Tichitevedzera Jehovha, ngatiitei kuti mashoko edu nezvatinoita nguva dzese zvitungamirirwe ‘nemutemo wemutsa.’

^ Mazita akachinjwa.