Enda pane zvauri kuda

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Mamwe Mazororo?

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Mamwe Mazororo?

 Zvapupu zvaJehovha zvinoziva sei kana zororo richitenderwa naMwari?

 Zvapupu zvaJehovha zvinotanga zvatarisa kuti Bhaibheri rinotii zvisati zvapemberera zororo. Mamwe mazororo anotopesana nezvinotaurwa neBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri mazororo akadaro. Asi kana ari mamwewo mazororo, mumwe nemumwe wavo anosarudza zvinhu zvichaita kuti arambe aine hana yakachena “kuna Mwari nokuvanhu.”​—Mabasa 24:16.

 Zvapupu zvaJehovha zvinozvibvunza mibvunzo inotevera zvisati zvasarudza kuti zvopemberera here zororo kana kuti zvorega. a

  •   Zororo racho rinobva padzidziso isingatsigirwi neBhaibheri here?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “‘Ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena.’”​—2 VaKorinde 6:15-17.

     Kuti vasasvibiswa nedzidziso dzisina kuchena, dzinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri mazororo ane zvinhu zvinotevera.

     Mazororo anobva pakunamata vamwe vanamwari. Jesu akati: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Murayiro uyu ndiwo unoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvirege kupemberera Krisimasi, Easter, neMay Day, sezvo mazororo iwayo achibva pakunamata vamwe vanamwari vasiri Jehovha. Havapembereriwo mazororo akadai seanotevera:

    •  Kwanzaa. Shoko rekuti Kwanzaa “rinobva pamashoko echiSwahili ekuti matunda ya kwanza, ayo anoreva kuti ‘zvibereko zvekutanga’ uye zororo racho rakabva pakupembererwa kwaiitwa goho rekutanga makare kare muAfrica.” (Encyclopedia of Black Studies) Kunyange zvazvo vamwe vachiona Kwanzaa sezororo risinei nechitendero, Encyclopedia of African Religion inorifananidza nemutambo unoitwa kuAfrica uye pamutambo wacho goho rekutanga “rinopiwa vanamwari uye midzimu senzira yekutenda,” uye inowedzera kuti: “Zororo reKwanzaa nderekutendawo zvakanaka zvaunoitirwa nemadzitateguru.”

      Kwanzaa

    •  Mid-Autumn Festival. Zororo iri “nderekuremekedza mwarikadzi wemwedzi.” (Holidays, Festivals, and Celebrations of the World Dictionary) Panoitwa katsika kekuti “madzimai anenge achikotamira mwarikadzi wacho.”​—Religions of the World​—A Comprehensive Encyclopedia of Beliefs and Practices.

    •  Nauruz (Nowruz). “Zvimwe zvinoitwa pazororo iri zvakatanga muchitendero chinonzi Zoroastrianism; uye zuva iri ndiro raiyereswa kupfuura mamwe ese pakarenda yaishandiswa kare nevanhu vechitendero ichi. . . . Zvainzi munguva yechando, Mweya weChando waiendesa pasi pevhu Mweya weZuva [Rapithwin]. Mweya weZuva wainzi waizodzoka na12 masikati pazuva reNowruz maererano netsika dzechiZoroastrian uye vanhu vaibva vapemberera kudzoka kwawo.”​—United Nations Educational, Scientific and Cultural Organization.

    •  Shab-e Yalda. Mhemberero iyi inoitwa musi unokurumidza kunyura zuva kupfuura mimwe yese pagore. Bhuku rinonzi Sufism in the Secret History of Persia rinoti mhemberero iyi “yakatobatana nekunamata Mithra,” mwari wechiedza. Zvinonziwo zororo racho rakada kubatana nekunamatwa kwamwari wezuva wevaRoma namwari wezuva wevaGiriki. b

    •  Thanksgiving. Sezvakangoita Kwanzaa, mhemberero iyi yakatanga netsika yaiitwa nevanhu makare kare, yekutenda vanamwari vakasiyana-siyana negoho ravanenge vawana. Nekufamba kwenguva, “tsika idzi dzakatanga kupindawo muchechi dzechiKristu.”​—A Great and Godly Adventure​—The Pilgrims and the Myth of the First Thanksgiving.

     Mazororo anobva pakutenda mashura uye rombo rakanaka. Bhaibheri rinotaura kuti “vaya vanogadzirira mwari weMhanza Yakanaka tafura yezvokudya” vari pakati pevanhu “vanosiya Jehovha.” (Isaya 65:11) Saka Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri mazororo anotevera:

    •  Ivan Kupala. “Vakawanda vanofunga kuti pazuva [reIvan Kupala] nyika inobudisa simba uye kana wakashinga uye ukaita rombo rakanaka unogona kuwanawo simba iri,” rinodaro bhuku rinonzi The A to Z of Belarus. Rakatanga riri zororo raichengetwa nevahedheni rekupemberera musi wainonoka kuvira zuva kupfuura mimwe misi yese pagore. Asi Encyclopedia of Contemporary Russian Culture, inoti “zororo iri rakazobatana nerimwe zororo rechitendero rainzi [the “saint’s day” of John the Baptist] pashure pekunge vanhu vagamuchira chiKristu.”

    •  Lunar New Year (Chinese New Year kana kuti Korean New Year). “Panguva iyi yegore, mhuri, uye hama neshamwari vanenge vachingofunga nezvekuva nerombo rakanaka, kutenda vanamwari nemidzimu, uye kushuvira kuti gore idzva ringe rakanaka.” (Mooncakes and Hungry Ghosts​—Festivals of China) Ndizvo zvimwe chete nezororo reKorean New Year “rinosanganisira kunamata madzitateguru, tsika dzekudzinga mweya yakaipa uye kushuvira kuva nerombo rakanaka mugore idzva, nekududzira zviratidzo zvavanoti zvinoita kuti vazive zvichaitika mugore idzva.”​—Encyclopedia of New Year’s Holidays Worldwide.

      Chinese New Year

     Mazororo anobva papfungwa yekuti mweya haufi. Bhaibheri rinotaura kuti mweya unofa. (Ezekieri 18:4) Saka Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri mazororo anotevera, ayo anotsigira pfungwa yekuti mweya haufi:

    •  All Souls’ Day (Zuva Revakafa). New Catholic Encyclopedia inoti iri izuva “rekurangarira vakatisiya. Mumakore anobva kuma500 C.E. kusvika mugore ra1500 C.E. vanhu vakawanda vaibvuma dzidziso yekuti mweya yaiva mupurigatori yaizobuda musi uyu iri zvipoko, varoyi, matatya nezvimwe zvakadaro ichivinga vanhu vanenge vakaitira vanhu ava zvakaipa pavainge vachiri vapenyu.”

    •  Qingming Festival (Ch’ing Ming) uye Hungry Ghost Festival. Mhemberero mbiri idzi dzinoitirwa kutenda madzitateguru. Bhuku rinonzi Celebrating Life Customs Around the World​—From Baby Showers to Funerals rinoti, “Pazororo reCh’ing Ming, zvekudya, zvekunwa uye mari, zvinopiswa kuitira kuti vanhu vakafa vasazonzwa nzara kana nyota uye vasashaya mari.” Bhuku racho rakataurawo kuti “pazororo reHungry Ghost Month, kunyanya pazuva rakunenge kuine mwedzi muchena, [vanhu vanopemberera vanotenda kuti] vakafa vanenge vachikwanisa kunyatsobatana nevapenyu kupfuura mamwe mazuva ese, saka vanenge vachikoshesa chaizvo kuti vasatsamwisa vakafa uye varemekedze madzitateguru.”

    •  Chuseok. Bhuku rinonzi The Korean Tradition of Religion, Society, and Ethics rinoti pazororo iri vanhu “vanopa zvekudya newaini kumweya yevanhu vakafa.” Zvibayiro zvavanopa zvinoratidza kuti “vanotenda kuti mweya unoramba uchirarama kana muviri wafa.”

     Mazororo anoitwa zvemidzimu. Bhaibheri rinoti: ‘Munhu anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa anosemesa Jehovha.’ (Dheuteronomio 18:10-12) Kuti tisaita zvemidzimu, izvo zvinosanganisira kushandiswa kunoitwa nyeredzi pakutaura zvichaitika mune ramangwana, isu seZvapupu zvaJehovha hatipembereri Halloween kana mazororo anotevera:

    •  Sinhala uye Tamil New Year. “Tsika dzinoitwa pamhemberero idzi . . . dzinosanganisira kuita zvimwe zvinhu panguva dzinenge dzakataurwa nevanhu vanodudzira zvenyeredzi vachiti kana ukazviita upenyu hunokufambira zvakanaka.”​—Encyclopedia of Sri Lanka.

    •  Songkran. Zita remhemberero iyi inoitwa kuAsia, “rakabva pashoko rechiSanskrit . . . rinoreva kuti ‘kufamba kana kuti ‘kuchinja,’ uye [mutambo wacho] maererano nechati rinoshandiswa nevanodudzira nyeredzi, unoitwa panofamba zuva richipinda muboka renyeredzi rinonzi Aries.”​—Food, Feasts, and Faith​—An Encyclopedia of Food Culture in World Religions.

     Mhembererero dzaiva muMutemo waMosesi, idzo dzakapera nekufa kwaJesu. Bhaibheri rinoti: “Kristu ndiye mugumo woMutemo.” (VaRoma 10:4) VaKristu vachiri kubatsirwa nezvaiva muMutemo waMosesi wakapiwa vaIsraeri. Asi havachengeti mitambo yavaiita, kunyanya mitambo yaiva nechekuita nekuuya kwaMesiya uyo anotendwa nevaKristu kuti akatouya kare. Bhaibheri rinoti, “Zvinhu izvozvo mumvuri wezvinhu zvichauya, asi chinhu chacho chaicho ndechaKristu.” (VaKorose 2:17) Nezvikonzero izvi, uye sezvo mimwe mitambo yacho yakazosangana netsika dzisingaenderani nezvinotaurwa neBhaibheri, mhemberero dziri pasi apa hadzipembererwi neZvapupu zvaJehovha:

    •  Hanukkah. Mutambo uyu ndewekupemberera kukumikidzwazve kwetemberi yechiJudha muJerusarema. Asi, Bhaibheri rinoti Jesu akava Mupristi Mukuru ‘mutende guru [kana kuti temberi huru] kwazvo uye yakakwana kwazvo isina kugadzirwa nemaoko, kureva kuti, isina kusikwa sezvinhu zvepasi pano.’ (VaHebheru 9:11) KuvaKristu, temberi iyoyo ndiyo yakatsiva temberi yemuJerusarema.

    •  Rosh Hashanah. Iri ndiro zuva rekutanga pakarenda yechiJudha. Kare paiitwa mutambo uyu, vanhu vaipa Mwari zvipo zvakasiyana-siyana. (Numeri 29:1-6) Zvisinei, Jesu Kristu, saMesiya, akagumisa “chibayiro nechipo chinopiwa,” achiita kuti zvisakoshe kuna Mwari.​—Dhanieri 9:26, 27.

  •   Zororo racho rinotsigira kubatana kwemachechi here?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi? Temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pachii?”​—2 VaKorinde 6:15-17.

     Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichiedza kugarisana zvakanaka nevamwe uye zvisingarambidzi vanhu kuti vasarudze zvavanoda kutenda, hazvipembereri mazororo anokurudzira kubatana kwemachechi munzira dzinotevera.

     Mhemberero dzekukudza munhu anoremekedzwa muchechi kana kuti dzekukurudzira kubatana kwemachechi akasiyana-siyana. Mwari paakatungamirira vanhu kunyika yakapikirwa, uko kwaiva nevanhu vainamata zvimwe zvitendero, akavaudza kuti: “Usaita sungano navo kana navanamwari vavo. . . . Kana ukashumira vanamwari vavo, zvichava musungo kwauri.” (Eksodho 23:32, 33) Saka Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri mazororo anotevera.

    •  Loy Krathong. Pamhemberero iyi inoitwa kuThailand, “vanhu vanogadzira ndiro nemashizha, voisa makenduru kana kuti tumiti tunotengwa twekuti tukapiswa tunonhuwirira, vobva vazviisa mumvura. Vanoti pazvinoyerera zvinenge zvichitoendawo nemunyama. Mhemberero iyi ndeyekuyeuka tsoka tsvene yaBuddha.”​—Encyclopedia of Buddhism.

    •  National Repentance Day. Rimwe pepanhau rekuPapua New Guinea rinonzi The National rakabudisa mashoko akataurwa nemumwe mukuru wemuhurumende. Mukuru uyu akati vanhu vanochengeta zuva reNational Repentance Day “vanotenda zvinhu zvinotendwa nemaKristu.” Akatiwo kupemberera zuva iri kunoita kuti “vanhu vemunyika mavo vatevedzere mitemo yechiKristu.”

    •  Vesak. “Iri ndiro zuva rinokosheswa chaizvo nevaBhuddha, vachipemberera kuzvarwa kwaBuddha, kuzarurirwa chiedza kwaakaitwa, uye kufa kwake kana kuti kuwana kwaakaita upenyu muNirvana.”​—Holidays, Festivals, and Celebrations of the World Dictionary.

      Vesak

     Mhemberero dzinobva patsika dzechitendero dzisingatsigirwi neBhaibheri. Jesu akaudza vatungamiriri vechitendero kuti: “Makaita kuti shoko raMwari rishaye simba nokuda kwetsika yenyu.” Akati kunamata kwavo kwaiva pasina nekuti vaidzidzisa “mirayiro yevanhu sedzidziso.” (Mateu 15:6, 9) Izvi ndizvo zvinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvisapemberera zviitiko zvinotevera:

    •  Epiphany (Three Kings’ Day, Timkat, kana kuti Los Reyes Magos). Pazuva iri vanhu vanenge vachipemberera kubhabhatidzwa kwaJesu kana kuti kushanya kwakaita vazivi venyeredzi vachinoona Jesu. Mhemberero yacho “yakaita kuti dzimwe mhemberero dzechihedheni dzaiitwa muchirimo dzekukudza vanamwari vemvura inoyerera, nzizi nehova, dziite sedzechiKristu.” (The Christmas Encyclopedia) Mhemberero yeTimkat iyo yakada kufanana neEpiphany, “yakatobva patsika dzaiitwa nevanhu.”​—Encyclopedia of Society and Culture in the Ancient World.

    •  Feast of the Assumption of the Virgin Mary. Mhemberero iyi ine chekuita nekutenda kuti amai vaJesu vakaenda kudenga nemuviri wavo wenyama. Bhuku rinonzi Religion and Society​—Encyclopedia of Fundamentalism, rinoti “dzidziso iyi yaisavako pakatanga chiKristu uye haimo muBhaibheri.”

    •  Feast of the Immaculate Conception. “Dzidziso yekuti Mariya akabereka Jesu nekuti iye Mariya akanga asina chivi haimo muBhaibheri . . . Idzidziso yakatangwa neChechi.”​—New Catholic Encyclopedia.

    •  Lent. Mazuva aya ekudemba zvivi zvawakaita uye ekutsanya, sekutaura kunoita New Catholic Encyclopedia, akatangwa “kuma300 C.E.”; panguva iyi Bhaibheri rainge ratova nemakore anopfuura 200 rapera kunyorwa. Ichitaura nezvezuva rekutanga reLent, encyclopedia yacho inoti: “Tsika yekuti vatendi vapiwe madota pamusi unonzi Ash Wednesday yakatanga kuitwa kubvira pakaitwa musangano weBenevento muna 1091.”

    •  Meskel (kana kuti Maskal). Mhemberero iyi inoitwa muEthiopia ‘ndeyekupemberera kuwanikwa kwemuchinjikwa chaiwo wakarovererwa Kristu, uye pavanenge vachipemberera vanobatidza moto votamba vachiutenderera,’ rinodaro Encyclopedia of Society and Culture in the Medieval World. Asi, Zvapupu zvaJehovha hazvishandise muchinjikwa pakunamata.

  •   Mhemberero yacho inokudza munhu, sangano kana kuti mucherechedzo wenyika here?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvanzi naJehovha: ‘Murume anovimba nomunhu wepanyika uye anoita munhu wenyama simba rake, uye ane mwoyo unotsauka pana Jehovha ngaatukwe.’”​—Jeremiya 17:5.

     Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichiremekedza vanhu vese uye zvichitovanyengeterera, hazvibatanidzwe mumhemberero dzinotevera:

     Mhemberero dzinokudza mutongi kana mumwe munhu anozivikanwa. Bhaibheri rinoti, “Nokuda kwenyu, regai munhu wepanyika, ane mhepo yokufema mumhino dzake, nokuti nei iye achifanira kufungwa nezvake?” (Isaya 2:22) Saka, Zvapupu zvaJehovha, hazvipembereri zuva rakazvarwa mutongi wenyika.

     Mhemberero dzemureza wenyika. Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri Flag Day. Nechikonzero chei? Nekuti Bhaibheri rinoti: “Zvichenjererei pazvidhori.” (1 Johani 5:21) Kunyange zvazvo vanhu vakawanda mazuva ano vasingaoni mureza sechidhori chinonamatwa, mumwe munyori wezvakaitika kare, Carlton J. H. Hayes akanyora kuti: ‘Mureza ndiwo unokosheswa chaizvo uye unotonamatwa semucherechedzo wenyika.’

     Mazororo nemhemberero dzekuremekedza vasande. Chii chakaitika mumwe munhu aitya Mwari paakapfugamira muapostora Petro? Bhaibheri rinoti “Petro akamusimudza, achiti: “Simuka; iniwo ndiri munhu.’” (Mabasa 10:25, 26) Sezvo Petro nevamwe vaapostora vakanga vasingadi kukudzwa, Zvapupu zvaJehovha hazviiti mhemberero dzekukudza vanhu vanenge vachinzi vasande dzakaita sedzinotevera:

    •  All Saints’ Day. “Mabiko ekukudza vasande vese . . . Kwakatangira zororo iri hakuzivikanwi.”​—New Catholic Encyclopedia.

    •  Fiesta of Our Lady of Guadalupe. Mutambo uyu unokudza “musande mukuru wekuMexico,” uye vamwe vanoti musande wacho ndiye Mariya amai vaJesu. Vanoti musande uyu akaita chishamiso chekuzviratidza kune mumwe murimi muna 1531.​—The Greenwood Encyclopedia of Latino Literature.

      Fiesta of Our Lady of Guadalupe

    •  Name Day. ‘Iri izuva remabiko anoitirwa musande anenge aine zita rinenge rakatumidzwa mwana paanobhabhatidzwa kana kuti paanozoratidza kuti ava muKristu muchechi,’ rinodaro bhuku rinonzi Celebrating Life Customs Around the World​—From Baby Showers to Funerals. Rinotiwo, “pazuva iri vanhu vanoita zvechitendero.”

     Mhemberero dzezvematongerwo enyika uye dzekuvandudza magariro evanhu. Bhaibheri rinoti, “Zviri nani kupotera kuna Jehovha, pane kuvimba nomunhu.” (Pisarema 118:8, 9) Kuti varatidze kuti vanovimba naMwari kuti ndiye achagadzirisa matambudziko ese evanhu, Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri Youth Day kana kuti Women’s Day sezvo mhemberero idzi dzichitsigira zvematongerwo enyika nemaonero evanhu. Ndizvo zvinoitawo kuti vasapemberere Emancipation Day kana mazororo akada kudaro, nekuti vanovimba neUmambo hwaMwari kuti ndihwo huchapedza matambudziko ekusarurana uye huchaita kuti vanhu vese vave nemikana yakaenzana.​—VaRoma 2:11; 8:21.

  •   Zororo racho rinokudza rumwe rudzi kana kuti imwe nyika kupfuura dzimwe here?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”​—Mabasa 10:34, 35.

     Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvichifarira nyika dzavanobva, havaiti mhemberero dzinokudza nyika kana rudzi rwavo sedziri pasi apa.

     Mhemberero dzinokudza mauto. Jesu aisakurudzira vanhu kuti vade zvehondo zvekuti akatoudza vateveri vake kuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” (Mateu 5:44) Saka, Zvapupu zvaJehovha hazvichengeti mhemberero dzekutenda masoja, kusanganisira dzinotevera:

    •  Anzac Day.Anzac zvinomiririra kuti Australian and New Zealand Army Corps,” uye “Anzac Day rakapedzisira rava zuva rekurangarira vanhu vakafira muhondo.”​—Historical Dictionary of Australia.

    •  Veterans Day (Remembrance Day, Remembrance Sunday, kana kuti Memorial Day). Mazororo aya ndeekurangarira “vakarwa muhondo uye vanenge vakafira nyika dzavo muhondo.”​—Encyclopædia Britannica.

     Mhemberero dzekuzvitonga kuzere. Achitaura nezvevateveri vake, Jesu akati: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Johani 17:16) Zvapupu zvaJehovha zvinoda kudzidza nezvenhoroondo dzenyika, asi hazvipembereri mazuva anotevera:

    •  Australia Day. Bhuku rinonzi Worldmark Encyclopedia of Cultures and Daily Life, rinoti zororo iri nderekuyeuka “zuva rakasimudza masoja eEngland mureza wavo achiti Australia yakanga yava pasi pavo muna 1788.”

    •  Guy Fawkes Day. “Iri izuva renyika rekupemberera uye kuyeuka kukundikana kwakaita Guy Fawkes nevamwe vaimutsigira vaipinda chechi yeRoma, avo vaida kuparadza King James I neParamende [yeEngland] muna 1605.”​—A Dictionary of English Folklore.

    •  Independence Day. Munyika dzakawanda “izuva rinopembererwa neveruzhinji sezuva rekuzvitonga kuzere kwenyika.”​—Merriam-Webster’s Unabridged Dictionary.

  •   Zororo racho rinosanganisira unhu hwekusazvidzora uye kushaya nyadzi here?

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munguva yakapfuura makapedza nguva yakakwana muchiita zvaidiwa nemamwe marudzi pamairamba muri pamabasa okusazvibata, pakuchiva kwazvo, pakunyanyisa kunwa waini, pamitambo yemafaro akanyanyisa, panguva dzokunwira kudhakwa, pakunamata zvidhori kusingabvumirwi nomutemo.”​—1 Petro 4:3.

     Vhesi iyi inobatsira Zvapupu zvaJehovha kuti zvirege kuita mhemberero dzinosanganisira kudhakwa uye kufara kwakanyanyisa. Zvapupu zvaJehovha zvinonakidzwa nekumbotandarawo neshamwari uye vamwe vanosarudza kunwa doro asi zvine mwero, ndokunge vachitombonwa doro racho. Pazvese zvavanoita vanotevera zano reBhaibheri rekuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho, itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.”​—1 VaKorinde 10:31.

     Saka Zvapupu zvaJehovha, hazviendi kumapati kana kuti mitambo inoitwa zvinhu zvakafumuka zvinorambidzwa muBhaibheri. Izvi zvinosanganisira zororo rechiJudha rinonzi Purim. Kunyange zvazvo Purim yakatanga iri mhemberero yekusunungurwa kwevaJudha mumakore ekuma400 B.C.E., iye zvino “rava zuva rakangofanana nemhemberero dzakaita seMardi Gras kana kuti Carnival,” rinodaro bhuku rinonzi Essential Judaism. Pazuva iri “vanhu vanopfeka zvinoenderana nezororo iri (varume vanowanzopfeka hembe dzechikadzi), vanhu vanenge vachipengereka, vachinwisa doro, uye vachiita ruzha rwakanyanyisa.”

 Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvisingapembereri mamwe mazororo, tingati zvinoda mhuri dzazvo here?

 Hongu. Bhaibheri rinodzidzisa vanhu kuti vade uye varemekedze vanhu vese mumhuri dzavo pasinei nekuti vanopinda chitendero chipi. (1 Petro 3:1, 2, 7) Kana mumwe weZvapupu zvaJehovha akarega kupemberera mamwe mazororo, dzimwe hama dzake dzinogona kutsamwa kana kurwadziwa. Saka Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinoita kuti hama dzavo dzione kuti vanodzida. Vanodzitsanangurira zvakanakanaka kuti sei vasingachengeti mazororo uye vanodzishanyira pane mamwewo mazuva.

 Zvapupu zvaJehovha zvinoudza vamwe kuti vasapemberere mamwe mazororo here?

 Aiwa. Vanotenda kuti munhu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira ega. (Joshua 24:15) Zvapupu zvaJehovha zvinokudza “vanhu vemarudzi ose,” pasinei nezvavanotenda.​—1 Petro 2:17.

a Nyaya ino haitauri mazororo ese asingapembererwi neZvapupu zvaJehovha, uyewo haitauri mavhesi ese anovabatsira pakusarudza kuti vopemberera here mazororo acho.

b Mithra, Mithraism, Christmas Day & Yalda, by K. E. Eduljee, peji 31-33.